16/11/2024
MBEREKO
Rakanyorwa mugore ra2016
naClarence Mandisodza
0775 874 868
https://chat.whatsapp.com/KLN7FBL0ElIBj3arzX9t4y
https://whatsapp.com/channel/0029VagFhhnBadmSjuzcJE1p
CHITSAUKO 5
"HANDINA WANDINOUDZA"
“Mazuvano ndizvo zviripo. Ukakwenyawo musana wangu, ini ndokwenyawo wako. Kandiro kanoenda kunobva kamwe. Hameno, zviri kwauri kufa nenyota iwo makumbo achingova mumvura kudai.”
“Ndichambonofunga nezvazvo asi kutaura chokwadi mandiomesera.”
“Hapana chakaoma apa, kutaura kuno tingadai tatopedza nyaya yacho. Chinono chinengwe bere rakadya richifamba.”
“Ndizvo hazvo asi handina kunge ndagadzirira. Ndinokupai mhinduro yenyu.”
“Asi ziva kuti nguva irikufamba. Mwana anoda kunyora uyu.” Akataura izvi achitarisa mhandara yakange igere mberi kwake nepamusoro petumagirazi twaainge akapfeka.
Ava vaingunotaura ndiSithembile nemukuru wechikoro ainzi Lovemore. Sithembile akange auya kuzokumbirira munun’una wake kuti asadzingirwe mari yechikoro sezvo akange ari mukuitsvaga.
Mukuru wechikoro uyu akange ave munhu wechikuru zvekuti waigona kuregererwa kana uchinge wamuti sekuru. Chiso chake chaive chitete tete chichiratidza kungwarisa zvakadarikidza. Chiso ichi, icho chaigara chichimveya mveya semudzuwerere wepwere, chakange chotangawo kuunyana zvishoma nezvishoma chiratidzo chekuti makisimusi adyiwa akange awanda.
Pamhumhu aive akaonda setsinde. Kuonda kwacho kwaive kwekuti waifunga kuti kukauya mhepo inesimba inogona kumuhwapura ikanomukandira kumasidzokwi. Akange arimushava, huso hwake hwainge hwakamomoterwa netumhopo twakati wandei. Zvaibva zvaita sekunge ane tumhamhatsi kumeso.
“Regai ndiende, ndinokuudzai mhinduro yenyu. Maita basa,” Sithembile akataura achida kuchema.
Mukuru wechikoro akatura befu ndokuramba anyerere uku achiyeva Sithembile achibuda muhofisi make. Akasara achidzungudza musoro ndokumbonyemwerera uku achirova rova tafura yake nechigunwe chirefu chekurudyi.
Nerimwe divi, Sithembile akasvika kumba asina mufaro nekuda kwezvaidiwa nemukuru wechikoro. Thokozile aingunosuka midziyo yavakange vadyira madeko apfuura. Akasvikomira padara paisukirwa ndokumboramba akamuti ndee. Thoko akatazoona Sithembile avekuda kunorasa makoko esadza.
“Ko, sisi madzoka nguvai? Zvaita here sisi?” Akabvunza agadzirira kufara asi chiso chasisi vake chamudzikamisa.
“Nhasi hazvina asi mangwana zvinoita, ndawana vasiko.” Akataura achimanikidzira kunyemwerera.
Panguva idzi Sithembile ndiye oga aiziva kuti ndiye ane svumbunuro yokuti mwana waamai vake aende kuchikoro. “Zvedi nguva irikufamba apa mwana arikuda kunyora bvunzo dzake. Ukuwo ndakavimbisa amai pavakange vogamuchirwa nerufu kuti ndichapfuurira mberi nekuendesa mwana kuchikoro uye nekumuriritira.” Aingunotaura ega mupfungwa dzake uku akayeva Thokozile achikandira huku makoko esadza pakati pechivanze.
Sevanhuvo vakange vaine mombe dzakati wandei, dzaizobatsira kuendesa mwana kuchikoro asi chakange chonetsa apa kutengesa mombe dzacho. Hongu kutengwa dzaizotengwa asi riinhi? Nguva yakange irikufamba. Musi uyu haana kurara achifunga kuti odii chaizvo. Muto wainge wakora kudarika sadza uku nzara ichin’en’ena. Akamuka rungwanangwana ndokumutsa munin’ina wake kuti agadzirire vaende vese kuchikoro.
Mukuru wechikoro aifarirawo hwahwa zvisina mukare akamboona nokudaro aigara akanonoka kubasa. Akatowana amirirwa pahofisi yake. Mubvunzo mukuru waive mupfungwa dzake ndewekuti, “Asi vangabva vauya vese tisina kubvumirana here? Kuti akazowana akamupa mari? Kana auya nemari ndaita mufakose chaiye.”
Vakapinda muhofisi ndokukurukura, Thoko haana kuzogara nguva ndefu asati aenda kuzvidzidzo zvake. Lovemore akasara oita zvaanoda naSithembile uyo akange oita seachayeredzwa nemisodzi yake. Vakatozobudamo dare rebhureki rave pedyo nekungwengweudza. Haana kukwanisa kuperekedza Sithembile sezvaaisiita kune vamwe vabereki manenge vauya muhofisi make. Chavakagona kuita kwaive kumuperekedza nemaziso avo sezvo vainge vakadongorera nepafafitera.
Nguva dzekuenda kumba zvadzakange dzoda kukwana akaraira Thokozile kuti azovaona asati aenda kumba. Zvakaitikawo sekudaro,. Vakatanga nekuti “Ndinodaira kuti Stembi akuudza nyaya yacho uye ndinofara kuti waitawo semunhu mukuru.”
Vakange vatosimuka kuenda kwakagara Thokozile ndokusvikogara patafura vakamutarisa uku vachibata mapendekete ake.
Thoko akavhiringika pamwe nekuvhunduka nguva imwecheteyo. “Usatye Thoko, watokura zvauoona wakadai.” Vakange vonanambira kusvika pachipfuva chemwanasikana uyo akasvetukira kwakadaro uko.
Akange ofemera padenga sendere uku achiringa ringa kabheki kake kainge aMai munyasi metafura yemukuru wechikoro.
“Asi vanhu imimi handizivi kuti makaitwa sei chaizvo. Unoda kudzingwa chikoro here nekutadza kuita zvinhu zvakapfava kudai? Hee?”
Thoko akaramba ari mwiro uku akatsikitsira. “Chibva wabuda zvako uende, wobva waziva kuti zvekunyora zvakona, nhaika?” Vakaenderera mberi.
“Ndapota zvangu ndirikuda kunyora. Ndinokumbirawo…”
“Aewa, buda zvako. Unozodzoka gore rauchawana mari. Buda ndinoda kuvhara musuwo wangu.”
Pakarepo Thoko akazviwisira pasi ndokupfugama. Akabvisa juzi ndokutanga kukatanura mabhatani eshati yake. Akaedza napose paaigona kuti misodzi yake isaerere asi zvakashaya basa.
Mukuru wechikoro achiona izvi akati, “Kwete chisikana. Ini pano handidi kuita sekunge ndakumanikidzira. Ungazofamba uchiti vakuru vezvikoro vanobata vana zvibharo. Simuka tione.”
“Kwete. Handina ani naani wandinoudza izvi. Ndini zvangu ndazvipira.”
“Kana wadaro wega ose machena mazai ehanga, hapana dema. Chandinenge ndisingadi ndechekuzonzi ndakakumbunyikidza.”
Panguva idzi chikoro chainge chati mwiro sezvo vana pamwe nevadzidzisi vainge vaenda kare. Tyava nemheterwa dzevafudzi vemombe ndizvo zvainzwika sezvo vainge vobva kumafuro. Vamwe ndivo vaienda kurwizi kunodzinwisa mvura, vamwe ndivo vakange vonodzivharira mumatanga. Imbwa dzainzwika kuhukura pano neapo.
Thoko akazofamba zvinyoro nyoro semunhu airwadziwa zvikuru mumoyo pamwe nemuviri. Panguva idzi denga rainge rapfuma kwazvo nehutsi hwaingunoonekwa kuti togo kubva muzvitsuwi zvedzimba zhinji dzekubikira. “Zvinonzi humhandara idambakamwe, kureva here kuti hwangu hwatoenda zvachose?” Uyu mubvunzo waakazvibvunza mupfungwa dzake misodzi ndokuti mokoto zvakare.
Akatsaukira mune chimwe chikwenzi ndokusvikogara padombo raive munyasi memutsamvi. Pfungwa dzake dzakatanga kupishana, “Chokwadi sisi vangu kundiripisa mari yechikoro nehumhandara hwangu? Ko, vakadii kundiudzawo kuti ndizvo zviripo?” Mushure mekuchema pamwe nekupishana nepfungwa, akasimudzira nerwendo rwake rwekuenda kumba.
Akasvika Sitembile akaringa nzira, kunze kwainge kuchangotanga kufukidzira nerima. “Kunonoka kudai kwakanaka here Thoko?”
“Ndanonoka kupedza chidzidzo nhasi.” Akapindura achifamba kuenda kunhanga kwake.
Mapinduriro acho akasiya Sithembile akangoshama muromo pashure ndokupinda muimba yokubikira. Nguva yokudya chirariro yakasvika ndokugara pamhasa uku moto uchingunovirima. Dzimwe pfungwa dzakamuti, “Mubvunze kuti azviitirei?” Dzimwewo ndidzo dzaimuti, “Rega zvakadaro pamwe achakuudza ega.” Aiti akatarisa sisi vake aibva anzwa kuvavenga, aibva anzwa zibundu rakamugara pahuro chaipo.
Kuna Sithembile ngoma yaive imwechetewo. Dzimwe pfungwa dzake dzaiti, “Muudze kuti wamubhadharira mari yechikoro nehumhandara hwako.” Dzimwe ndidzo dzaiti, “Chisiyana nazvo, ungakanganise mwana kudzidza pamwe nekuzonyora.”
Aiti akatarisa Thoko aibva anzwa moyo wake kuenda kuresa chaizvo. Aibva anyanyisa kuvenga mukuru wechikoro. Kwechinguva akaramba akayeva Thoko uyo aikovera musuwa wesadza mukanwa akatsikitsira. Pfungwa dzake dzakazevezera kuti, “Ndazviitira iwewe mwana waamai vangu.”
Semunhu akange ongonzwa kuti nyama dzirikuda munhurume, yakange yavetsika yake yokubuda mumba husiku akananga kwaaizowana ruponeso rwake. Ndipo paye pakanzi nevakuru “Kuravidza chembere muto wegwaya unenge wati ifire mudziva.” Rimwe zuva Thoko akasvova munhanga make ndokunanga kumba kwemukuru wechikoro uyo ainge asina nguva yakareba abva kupinda mumba. Ainge abva kunohuchocha.
Lovemore akavhunduka kwazvo kunzwa pamusuwo pachigogodzwa, “Ndiani?” Akadaro nezwi rekutyisidzira zvekuti dai yaive mbavha kana mhondi hayaipamira. Panguvadzo akange otsvaga mupini pasi pekamubhedha kake. “Ndati ndiani uyu!” Akadzokorora zvakare kubvunza uku abata mupini uye zvine zimba.
“Nhai imi vhurai apa. Zvandichatopondwa pano.” Thoko akapindura achitya sezvo aive akafukidzwa nemhindo yerima.
“Inga ndati nhasi usauye wani. Hauoni here kuti wave kuzotibatisa manje,” vakadaro vachikwenya kwenya musoro uku mupini uchitsvetwa pasi.
Thoko akangoramba anyerere sembeveve. Akatogara zvake pakamubhedha kaye ako kakabva katanga kuchema kachiti tswiki, tswiki, tswiki.
“Saka wauya naani? Asi waperekedzwa naStembi kani?”
“Ehe ndiye andiperekedza.” Panguva idzi ainge atozvambarara pamubhedha uku achigadzirisa kasiketi kake kuti kaite sekanoti dzikei kasasiye nyama zhinji panze.
“Wati waperekedzwa naSithembile? Iti ijee rako iri.”
“Saka unobvunzirei zvisina maturo? Handina kufambira mibvunzo nhando ini.”
Izvi zvakaitika chifo chemwedzi wose Thoko naSithembile vachichinjana pasina aizviziva. Sevanhu vairara munhanga yake yake, hapana aikwanisa kuziva kuti mumwe abuda. Thoko ainge ogara akarukutika muviri.
Sithembile semunhu aiswera pamba aisazooneka kuneta sezvo aiwana nguva yekurara masikati. Masvondo matatu adarika akange adzoka nerusiti yemari yechikoro yaThoko. Lovemore akange azadzisa divi rake rekubhadharira Thoko mari yechikoro.
Thoko akapedza mazuva maviri asingabudi husiku nekuti Lovemore ainge amuti amboverenga. Uku kwaive kuitira kuti ambopawo Sithembile mukana wekuuya. Zvediwo, akamuka ndokunangako. Akasvikogogodza kamwechete ndokuvhurirwa.
Uyuwo Thoko semunhu akange ajaira kuonana nemukuru wechikoro paanenge adira, akanzwa nyama dzake dzave kumuudza kuti pane chave kushota nokudaro akati chauya chauya ndokurova mutunhu akanangako.
Kugugudza kwake kwaive kumwechete mazuva ose nokudaro Lovemore akabva aziva kuti gava radambura aMaio. “Ndianizve nehusiku huno?” Sithembile akazevezera achiratidza kutya kukuru uku ainge aita zvekugara.
Mubvunzo wake waive nemubvunzo mukati wekuti “Saka todii?”
Pakagogodzwa zvakare Lovemore ndokuti, “Ava vanenge mai Chipo mukadzi wangu. Ndiye anowanzosvika asina kutaura. Wototora aMaio iri upinde mukichini umu. Unongoonawo zvekuita imomo.”
“Lovemore ukwane. Unoda kuti ndiwanikidzwe ndirimo ndiitwe kanyama kanyama nemuridzi…”
Haana kuzopedza kutaura sezvo akabva adhonzwa ruoko ndokusaidzirwa divi rekuimba yokubikira sezvo akange owanza nyaya. Lovemore Akananga kugonhi ndokusvikorivhura zvinyoro nyoro. Hazvina kumushamisa kuona kuti ndiThoko nekuti akange aziva magugudziro. Chaakatongofarira chaive chekuti akange asina chaakawawata ari panzepo nekuti aiwanzoti akanonokerwa anobva atanga kupopota.
“Utorimo zvako? Ko, kunonoka kundivhurira kwauyeiko?” Akabvunza sekunge vaive vezera rimwechete.
“Ndanga ndatobatwa nehope. Ko iwe hatina kuwirirana here kuti usauye?”
“Manje ndatouya ini, unoda kundidzinga?”
Lovemore akamboti mwiro kwechinguva ndokuzoti, “Ini ndirikuda kuti uverenge. Zvino kana wo…”
“Yatove aMaioe iyoyo. Ndauya kunyaya iye.”
“Nyaya ipi futi Thoko?”
Akarova chikwee ndokuombera kamwechete mushure ndokuti, “Inga une hanganwa dzegunguwo. Watokanganwa chazuro nehope?”
“Hoo ndarangarira manje. Iyo takavimbisa wani kuizeya musi weMugovera.”
“Heya. Unoti handizivi kuti unenge waenda Harare?”
Nguva yavaingunotaura iyi Thoko aiita achikwidza izwi. Aitaura zviye zvekujinyura ukuwo Lovemore aiedza nepose paanogona kutaurira pasi pasi. Panguva idzi Thoko ainge atogara pamubhedha. Lovemore akazomhanya kunogara parutivi achiitira kuti vataure nemazwi akaderera.
Muimba yokubikira kutya kwaSithembile kwashanduka kukave kushamisika. “Kunyangwe zuva ribude nekumadokero izwi raThoko ndinorizivisisa aMai,” akazevezera. Akange anyatsobata izwi raThoko paye paakange aridza chikwee. “Kuti ndobuda ndinopedzerana navo? Asi Lovemore inyoka chaiyo, ndizvo zvaarikutiita izvi?” Akaenderera mberi nekazevezeve.
Imwe pfungwa ndiyo yakamuti, “Kutevedza mwenza ndiko kubata mbeva uye usanchenjedze nyamukuta kubereka uchada.” Akazomira kuti anzwe chihambiro chaThoko. Akanzwa zvose zvekuti akakabura muromo akaneta. Pamwe aiti akamboudyura maziso, ombobata chipfuva chake, ombotura befu zvichingodaro.
Vaviri ava vakazotaura vakavimbisana zvavakavimbisana zvese zvichingori munzeve dzaStembile. “Ndiko kusaka Thoko mazuva ano osarudza chikafu nhai. Ndakazviona ini kuti kusimba kwake uku hakusi kwesadza chete,” akazevezera zvakare.
Magumo eChitsauko 5