Kilar Novels

Kilar Novels Kudzidza pamwe nekutandara tichiverenga zvedu mabhuku eshona (edutainment through reading)

MHOSVA YAKURAby Clarence Mandisodza0775 874 868  Ndini uyo ndadzika bhazi ndokunanga muchikwenzi kunorasa mvura. Ko ndat...
28/06/2025

MHOSVA YAKURA

by Clarence Mandisodza

0775 874 868

Ndini uyo ndadzika bhazi ndokunanga muchikwenzi kunorasa mvura. Ko ndati nditoreka advantage yekuti bhazi ramiswa nemapurisa paroadblock.

Ndazongonzwa mheterwa, kucheuka wanei mupurisa arikundisimudzira ruoko rwekuti 'Huya kuno.' Izvi zvinhu zviripachena kuti unoenda wapedza.

"Saka iwewe utorine nharoka? Hausi kunzwa kuti ndiri kukudaidza?" Mupurisa adaidzira achiuya kwandiri.
Iniwo ndapindura ndichinosangana naye. "Sorry officer, ndanga ndati ndipedze. Zvanga zvisisina kumira mushe."
"This is public..."
Handina kumupa mukana wekupedza kutaura. "Officer handisi kuramba. Imiwo muri munhurume wani..."
"Sibanda! Munhu uyu anojairira fani. Kunditi ndiri murume inini..."
Ehe nhai mukadzi 🤦🏾‍♂️



Magumo.

16/11/2024

MBEREKO

Rakanyorwa mugore ra2016

naClarence Mandisodza

0775 874 868

https://chat.whatsapp.com/KLN7FBL0ElIBj3arzX9t4y

https://whatsapp.com/channel/0029VagFhhnBadmSjuzcJE1p

CHITSAUKO 5

"HANDINA WANDINOUDZA"

“Mazuvano ndizvo zviripo. Ukakwenyawo musana wangu, ini ndokwenyawo wako. Kandiro kanoenda kunobva kamwe. Hameno, zviri kwauri kufa nenyota iwo makumbo achingova mumvura kudai.”
“Ndichambonofunga nezvazvo asi kutaura chokwadi mandiomesera.”
“Hapana chakaoma apa, kutaura kuno tingadai tatopedza nyaya yacho. Chinono chinengwe bere rakadya richifamba.”
“Ndizvo hazvo asi handina kunge ndagadzirira. Ndinokupai mhinduro yenyu.”
“Asi ziva kuti nguva irikufamba. Mwana anoda kunyora uyu.” Akataura izvi achitarisa mhandara yakange igere mberi kwake nepamusoro petumagirazi twaainge akapfeka.
Ava vaingunotaura ndiSithembile nemukuru wechikoro ainzi Lovemore. Sithembile akange auya kuzokumbirira munun’una wake kuti asadzingirwe mari yechikoro sezvo akange ari mukuitsvaga.
Mukuru wechikoro uyu akange ave munhu wechikuru zvekuti waigona kuregererwa kana uchinge wamuti sekuru. Chiso chake chaive chitete tete chichiratidza kungwarisa zvakadarikidza. Chiso ichi, icho chaigara chichimveya mveya semudzuwerere wepwere, chakange chotangawo kuunyana zvishoma nezvishoma chiratidzo chekuti makisimusi adyiwa akange awanda.
Pamhumhu aive akaonda setsinde. Kuonda kwacho kwaive kwekuti waifunga kuti kukauya mhepo inesimba inogona kumuhwapura ikanomukandira kumasidzokwi. Akange arimushava, huso hwake hwainge hwakamomoterwa netumhopo twakati wandei. Zvaibva zvaita sekunge ane tumhamhatsi kumeso.
“Regai ndiende, ndinokuudzai mhinduro yenyu. Maita basa,” Sithembile akataura achida kuchema.
Mukuru wechikoro akatura befu ndokuramba anyerere uku achiyeva Sithembile achibuda muhofisi make. Akasara achidzungudza musoro ndokumbonyemwerera uku achirova rova tafura yake nechigunwe chirefu chekurudyi.
Nerimwe divi, Sithembile akasvika kumba asina mufaro nekuda kwezvaidiwa nemukuru wechikoro. Thokozile aingunosuka midziyo yavakange vadyira madeko apfuura. Akasvikomira padara paisukirwa ndokumboramba akamuti ndee. Thoko akatazoona Sithembile avekuda kunorasa makoko esadza.
“Ko, sisi madzoka nguvai? Zvaita here sisi?” Akabvunza agadzirira kufara asi chiso chasisi vake chamudzikamisa.
“Nhasi hazvina asi mangwana zvinoita, ndawana vasiko.” Akataura achimanikidzira kunyemwerera.
Panguva idzi Sithembile ndiye oga aiziva kuti ndiye ane svumbunuro yokuti mwana waamai vake aende kuchikoro. “Zvedi nguva irikufamba apa mwana arikuda kunyora bvunzo dzake. Ukuwo ndakavimbisa amai pavakange vogamuchirwa nerufu kuti ndichapfuurira mberi nekuendesa mwana kuchikoro uye nekumuriritira.” Aingunotaura ega mupfungwa dzake uku akayeva Thokozile achikandira huku makoko esadza pakati pechivanze.
Sevanhuvo vakange vaine mombe dzakati wandei, dzaizobatsira kuendesa mwana kuchikoro asi chakange chonetsa apa kutengesa mombe dzacho. Hongu kutengwa dzaizotengwa asi riinhi? Nguva yakange irikufamba. Musi uyu haana kurara achifunga kuti odii chaizvo. Muto wainge wakora kudarika sadza uku nzara ichin’en’ena. Akamuka rungwanangwana ndokumutsa munin’ina wake kuti agadzirire vaende vese kuchikoro.
Mukuru wechikoro aifarirawo hwahwa zvisina mukare akamboona nokudaro aigara akanonoka kubasa. Akatowana amirirwa pahofisi yake. Mubvunzo mukuru waive mupfungwa dzake ndewekuti, “Asi vangabva vauya vese tisina kubvumirana here? Kuti akazowana akamupa mari? Kana auya nemari ndaita mufakose chaiye.”
Vakapinda muhofisi ndokukurukura, Thoko haana kuzogara nguva ndefu asati aenda kuzvidzidzo zvake. Lovemore akasara oita zvaanoda naSithembile uyo akange oita seachayeredzwa nemisodzi yake. Vakatozobudamo dare rebhureki rave pedyo nekungwengweudza. Haana kukwanisa kuperekedza Sithembile sezvaaisiita kune vamwe vabereki manenge vauya muhofisi make. Chavakagona kuita kwaive kumuperekedza nemaziso avo sezvo vainge vakadongorera nepafafitera.
Nguva dzekuenda kumba zvadzakange dzoda kukwana akaraira Thokozile kuti azovaona asati aenda kumba. Zvakaitikawo sekudaro,. Vakatanga nekuti “Ndinodaira kuti Stembi akuudza nyaya yacho uye ndinofara kuti waitawo semunhu mukuru.”
Vakange vatosimuka kuenda kwakagara Thokozile ndokusvikogara patafura vakamutarisa uku vachibata mapendekete ake.
Thoko akavhiringika pamwe nekuvhunduka nguva imwecheteyo. “Usatye Thoko, watokura zvauoona wakadai.” Vakange vonanambira kusvika pachipfuva chemwanasikana uyo akasvetukira kwakadaro uko.
Akange ofemera padenga sendere uku achiringa ringa kabheki kake kainge aMai munyasi metafura yemukuru wechikoro.
“Asi vanhu imimi handizivi kuti makaitwa sei chaizvo. Unoda kudzingwa chikoro here nekutadza kuita zvinhu zvakapfava kudai? Hee?”
Thoko akaramba ari mwiro uku akatsikitsira. “Chibva wabuda zvako uende, wobva waziva kuti zvekunyora zvakona, nhaika?” Vakaenderera mberi.
“Ndapota zvangu ndirikuda kunyora. Ndinokumbirawo…”
“Aewa, buda zvako. Unozodzoka gore rauchawana mari. Buda ndinoda kuvhara musuwo wangu.”
Pakarepo Thoko akazviwisira pasi ndokupfugama. Akabvisa juzi ndokutanga kukatanura mabhatani eshati yake. Akaedza napose paaigona kuti misodzi yake isaerere asi zvakashaya basa.
Mukuru wechikoro achiona izvi akati, “Kwete chisikana. Ini pano handidi kuita sekunge ndakumanikidzira. Ungazofamba uchiti vakuru vezvikoro vanobata vana zvibharo. Simuka tione.”
“Kwete. Handina ani naani wandinoudza izvi. Ndini zvangu ndazvipira.”
“Kana wadaro wega ose machena mazai ehanga, hapana dema. Chandinenge ndisingadi ndechekuzonzi ndakakumbunyikidza.”
Panguva idzi chikoro chainge chati mwiro sezvo vana pamwe nevadzidzisi vainge vaenda kare. Tyava nemheterwa dzevafudzi vemombe ndizvo zvainzwika sezvo vainge vobva kumafuro. Vamwe ndivo vaienda kurwizi kunodzinwisa mvura, vamwe ndivo vakange vonodzivharira mumatanga. Imbwa dzainzwika kuhukura pano neapo.
Thoko akazofamba zvinyoro nyoro semunhu airwadziwa zvikuru mumoyo pamwe nemuviri. Panguva idzi denga rainge rapfuma kwazvo nehutsi hwaingunoonekwa kuti togo kubva muzvitsuwi zvedzimba zhinji dzekubikira. “Zvinonzi humhandara idambakamwe, kureva here kuti hwangu hwatoenda zvachose?” Uyu mubvunzo waakazvibvunza mupfungwa dzake misodzi ndokuti mokoto zvakare.
Akatsaukira mune chimwe chikwenzi ndokusvikogara padombo raive munyasi memutsamvi. Pfungwa dzake dzakatanga kupishana, “Chokwadi sisi vangu kundiripisa mari yechikoro nehumhandara hwangu? Ko, vakadii kundiudzawo kuti ndizvo zviripo?” Mushure mekuchema pamwe nekupishana nepfungwa, akasimudzira nerwendo rwake rwekuenda kumba.
Akasvika Sitembile akaringa nzira, kunze kwainge kuchangotanga kufukidzira nerima. “Kunonoka kudai kwakanaka here Thoko?”
“Ndanonoka kupedza chidzidzo nhasi.” Akapindura achifamba kuenda kunhanga kwake.
Mapinduriro acho akasiya Sithembile akangoshama muromo pashure ndokupinda muimba yokubikira. Nguva yokudya chirariro yakasvika ndokugara pamhasa uku moto uchingunovirima. Dzimwe pfungwa dzakamuti, “Mubvunze kuti azviitirei?” Dzimwewo ndidzo dzaimuti, “Rega zvakadaro pamwe achakuudza ega.” Aiti akatarisa sisi vake aibva anzwa kuvavenga, aibva anzwa zibundu rakamugara pahuro chaipo.
Kuna Sithembile ngoma yaive imwechetewo. Dzimwe pfungwa dzake dzaiti, “Muudze kuti wamubhadharira mari yechikoro nehumhandara hwako.” Dzimwe ndidzo dzaiti, “Chisiyana nazvo, ungakanganise mwana kudzidza pamwe nekuzonyora.”
Aiti akatarisa Thoko aibva anzwa moyo wake kuenda kuresa chaizvo. Aibva anyanyisa kuvenga mukuru wechikoro. Kwechinguva akaramba akayeva Thoko uyo aikovera musuwa wesadza mukanwa akatsikitsira. Pfungwa dzake dzakazevezera kuti, “Ndazviitira iwewe mwana waamai vangu.”
Semunhu akange ongonzwa kuti nyama dzirikuda munhurume, yakange yavetsika yake yokubuda mumba husiku akananga kwaaizowana ruponeso rwake. Ndipo paye pakanzi nevakuru “Kuravidza chembere muto wegwaya unenge wati ifire mudziva.” Rimwe zuva Thoko akasvova munhanga make ndokunanga kumba kwemukuru wechikoro uyo ainge asina nguva yakareba abva kupinda mumba. Ainge abva kunohuchocha.
Lovemore akavhunduka kwazvo kunzwa pamusuwo pachigogodzwa, “Ndiani?” Akadaro nezwi rekutyisidzira zvekuti dai yaive mbavha kana mhondi hayaipamira. Panguvadzo akange otsvaga mupini pasi pekamubhedha kake. “Ndati ndiani uyu!” Akadzokorora zvakare kubvunza uku abata mupini uye zvine zimba.
“Nhai imi vhurai apa. Zvandichatopondwa pano.” Thoko akapindura achitya sezvo aive akafukidzwa nemhindo yerima.
“Inga ndati nhasi usauye wani. Hauoni here kuti wave kuzotibatisa manje,” vakadaro vachikwenya kwenya musoro uku mupini uchitsvetwa pasi.
Thoko akangoramba anyerere sembeveve. Akatogara zvake pakamubhedha kaye ako kakabva katanga kuchema kachiti tswiki, tswiki, tswiki.
“Saka wauya naani? Asi waperekedzwa naStembi kani?”
“Ehe ndiye andiperekedza.” Panguva idzi ainge atozvambarara pamubhedha uku achigadzirisa kasiketi kake kuti kaite sekanoti dzikei kasasiye nyama zhinji panze.
“Wati waperekedzwa naSithembile? Iti ijee rako iri.”
“Saka unobvunzirei zvisina maturo? Handina kufambira mibvunzo nhando ini.”
Izvi zvakaitika chifo chemwedzi wose Thoko naSithembile vachichinjana pasina aizviziva. Sevanhu vairara munhanga yake yake, hapana aikwanisa kuziva kuti mumwe abuda. Thoko ainge ogara akarukutika muviri.
Sithembile semunhu aiswera pamba aisazooneka kuneta sezvo aiwana nguva yekurara masikati. Masvondo matatu adarika akange adzoka nerusiti yemari yechikoro yaThoko. Lovemore akange azadzisa divi rake rekubhadharira Thoko mari yechikoro.
Thoko akapedza mazuva maviri asingabudi husiku nekuti Lovemore ainge amuti amboverenga. Uku kwaive kuitira kuti ambopawo Sithembile mukana wekuuya. Zvediwo, akamuka ndokunangako. Akasvikogogodza kamwechete ndokuvhurirwa.
Uyuwo Thoko semunhu akange ajaira kuonana nemukuru wechikoro paanenge adira, akanzwa nyama dzake dzave kumuudza kuti pane chave kushota nokudaro akati chauya chauya ndokurova mutunhu akanangako.
Kugugudza kwake kwaive kumwechete mazuva ose nokudaro Lovemore akabva aziva kuti gava radambura aMaio. “Ndianizve nehusiku huno?” Sithembile akazevezera achiratidza kutya kukuru uku ainge aita zvekugara.
Mubvunzo wake waive nemubvunzo mukati wekuti “Saka todii?”
Pakagogodzwa zvakare Lovemore ndokuti, “Ava vanenge mai Chipo mukadzi wangu. Ndiye anowanzosvika asina kutaura. Wototora aMaio iri upinde mukichini umu. Unongoonawo zvekuita imomo.”
“Lovemore ukwane. Unoda kuti ndiwanikidzwe ndirimo ndiitwe kanyama kanyama nemuridzi…”
Haana kuzopedza kutaura sezvo akabva adhonzwa ruoko ndokusaidzirwa divi rekuimba yokubikira sezvo akange owanza nyaya. Lovemore Akananga kugonhi ndokusvikorivhura zvinyoro nyoro. Hazvina kumushamisa kuona kuti ndiThoko nekuti akange aziva magugudziro. Chaakatongofarira chaive chekuti akange asina chaakawawata ari panzepo nekuti aiwanzoti akanonokerwa anobva atanga kupopota.
“Utorimo zvako? Ko, kunonoka kundivhurira kwauyeiko?” Akabvunza sekunge vaive vezera rimwechete.
“Ndanga ndatobatwa nehope. Ko iwe hatina kuwirirana here kuti usauye?”
“Manje ndatouya ini, unoda kundidzinga?”
Lovemore akamboti mwiro kwechinguva ndokuzoti, “Ini ndirikuda kuti uverenge. Zvino kana wo…”
“Yatove aMaioe iyoyo. Ndauya kunyaya iye.”
“Nyaya ipi futi Thoko?”
Akarova chikwee ndokuombera kamwechete mushure ndokuti, “Inga une hanganwa dzegunguwo. Watokanganwa chazuro nehope?”
“Hoo ndarangarira manje. Iyo takavimbisa wani kuizeya musi weMugovera.”
“Heya. Unoti handizivi kuti unenge waenda Harare?”
Nguva yavaingunotaura iyi Thoko aiita achikwidza izwi. Aitaura zviye zvekujinyura ukuwo Lovemore aiedza nepose paanogona kutaurira pasi pasi. Panguva idzi Thoko ainge atogara pamubhedha. Lovemore akazomhanya kunogara parutivi achiitira kuti vataure nemazwi akaderera.
Muimba yokubikira kutya kwaSithembile kwashanduka kukave kushamisika. “Kunyangwe zuva ribude nekumadokero izwi raThoko ndinorizivisisa aMai,” akazevezera. Akange anyatsobata izwi raThoko paye paakange aridza chikwee. “Kuti ndobuda ndinopedzerana navo? Asi Lovemore inyoka chaiyo, ndizvo zvaarikutiita izvi?” Akaenderera mberi nekazevezeve.
Imwe pfungwa ndiyo yakamuti, “Kutevedza mwenza ndiko kubata mbeva uye usanchenjedze nyamukuta kubereka uchada.” Akazomira kuti anzwe chihambiro chaThoko. Akanzwa zvose zvekuti akakabura muromo akaneta. Pamwe aiti akamboudyura maziso, ombobata chipfuva chake, ombotura befu zvichingodaro.
Vaviri ava vakazotaura vakavimbisana zvavakavimbisana zvese zvichingori munzeve dzaStembile. “Ndiko kusaka Thoko mazuva ano osarudza chikafu nhai. Ndakazviona ini kuti kusimba kwake uku hakusi kwesadza chete,” akazevezera zvakare.

Magumo eChitsauko 5

15/11/2024

MBEREKO

Rakanyorwa mugore ra2016

naClarence Mandisodza

0775 874 868

https://chat.whatsapp.com/KLN7FBL0ElIBj3arzX9t4y

https://whatsapp.com/channel/0029VagFhhnBadmSjuzcJE1p

CHITSAUKO 4

"NGWARAI SENYOKA"

Mapudzi avakange vagamuchidzwa naNyadenga aingove evasikana vatatu. Wekutanga aive nemakore gumi nerimwe, wechipiri matanhatu uye chigumisirwa chaive nemwedzi miviri.
Mwana wekutanga akange agamuchirwa nemufaro waifashukira chaizvo. Mufaro uyu wakange wakanyanyisa kubva ichiri mimba chaiyo sezvo zvainge zvaratidza kuti nyoka hadzina kusungwa. Wechipiri ngoma yaive imwechete kumudzimai wake asi iye mufaro wake wakange waderera.
Sevanhu vaive nehurongwa hwekuguma nevana vatatu, akange otarisirawo mwana mukomana kuti dzinza rikure. Zvayakange iri mimba mai vacho aMai zvinowanzoitwa nevanhurume zvakaita sekutema huni.
Rimwe zuva Gift achibva kubasa akawana mudzimai wake achidzika mumuti wemukotopeya. Mimba yake yakange yave nemwedzi mishanu. Akanyepera zvake kudya magaka mambishi asi akange atoona zvimwe zvinhu. Pfungwa dzake dzakange dzogaroimba kuti, “Ratidzo akatakura kakomana.”
Nekuda kwepfungwa dzake, haana kuita hanyn’a nekuendesa mudzimai wake kusikani kunovhenekwa kuti mwanai aive mudumbu. Chimwezve ndechekuti sikani yokutanga yakange yavarasisa pamazuva. Heino nguva yekuberekwa kwemwana, Gift akaita seacharova mudzimai.
Pfungwa dzake dzaipishana dzichiti, “Kureva here kuti ndofawo ndisina mwanakomana? Zvino ndodii apa nekuti ini nemumwe wangu takatowirirana kare kuti tinoguma nevana vatatu? Pasinazvo, masunungukiro aakaita wekuguma uyu takabva tatoudzwa naChiremba kuti chibereko chake hachisisina kusimba uye kungotakura imwe mimba anenge ave panjodzi huru kwazvo.”
Izvi zvakange zvomutemesa musoro zuva nezuva zvekuti doro akange orinwa semunhu audzwa kuti haachina mazhinji pasi pezuva. Chinhu chaizonyanya kumudya moyo kuonawo madzisahwira ake achiuya kunzvimbo dzemafaro nevanakomana vavo. Semunhu aifarirawo nhabvu, vaienda vose netwuvana twuye twakapfekedzwa nhumbi dzezvikwata zvenhabvu.
Rimwe zuva pfungwa dzake dzakamhanyira kune musikana waakange ambofambidzana naye ainzi Jane. Ndiyo nguva yaakatangawo zvakare kuzvibvunza mibvunzo yaaitadza kupindura pamusoro pekusaroora Jane. Asika Jane wacho ndiye akange aramba kuroorwa achiti achirikuda kumbosamhuka.
Pfungwa idzi dzakamhanyazve kumukoma wake. “Mhazi mukada kurara nezamu mukanwa inofa kwenyu. Zvese zvamurikushandira izvi murikushandira vakuwasha kutaura kuno. Apa vakuwasha vacho pamwe hapana kana mumwechete ane musoro unodhonza. Vanozongodya yatezvara.
“Kundiona kudai urikuti handinawo vakomana? Kutaura kuno ndine mapatya maviri kwaMutare uku, varikutanga giredhi hwani gore ratiri kupinda iri. Zvauriwe ukabikirwa naamaiguru vako wazipirwa zvako ndozonzwa wobvarura pfimbi.” Ava ndimukoma vaGift vainzi Petros vakange vambotaura naye.
Iye aiziva mukoma wake Petros asina mwana mukomana uye aiziva mukoma wake ari mufundisi mukuru kwazvo. Ndipo paakazivavo zvakare kuti mukoma wake ane maserefoni maviri, imwe yaanongotaura namaiOwen kana kuti mai Onismo. Iyi yaive isingasvike kumba, yaigara muhofisi uye ndiyo yaive nemifananidzo yevana ava.
Zvose izvi zvakashamisa pamwe nekushingisa Gift. Kuparadzana kwavakaita akazomboramba akati kunun’unu mumotokari make uku pfungwa dzichimumomotera sekunge dzichaputika. Dzakasenga mibvunzo mizhinji kwazvo, “Mukoma sei vasina kumbobvira vadura zvose izvi nguva yose iyi? Vari kuzvigona sei zvekuriritira mhuri mbiri idzi? Sei zvisati zvabuda pachena kwemakore manomwe?
“Kana Bhaibheri chairo rinotaura kuti ngwarai senyoka. Chokwadi mukoma wangu apa akaratidza kungwara zvekutodarika nyoka yacho. Neniwo ndinoda kutongwara kusvika ipapo.” Panguva idzi aitonyatsotaura ega nezwi rainzwika zvekuti dai pakaita akadarika nepamotokari apa aifunga kuti mune vanhu vaviri. Akaenderera mberi nekuropodza, “Tsoro dzangu dzinobuda zvakanaka. Kana Petros achizviita ari mufundisi, iniwo zvangu munhu njee ndingatadze nei? Mwari ndiregerereiwo, ndirikungoda mwana mukomana chete.”
Mushure mekufunganya kwese uku akazvipira kutsvaga Jane ndokuzosangana mushure memazuva masere kunzvimbo yemafaro kwavakagocha pamwe nekunwa hwechirungu. Vachibvapo vakananga kuAquatic Complex kunova kwavakanoona muimbi anonzi Francis Dhaka ndokuzobuda dhindindi risati rapera. Vakaenda kumba kwaJane uko vakazonorara mushure mekumbosasana zvavo.
Kupera kwesvondo rimwechete kubva zvasangana vaviri ava, hushamwari hwavo hwakange hwave hwemukombe nechirongo. Gift akange asina kuzoda kutaura zvekuwana kwake. Aiona sekunge akataura hushamwari hwake naJane hunobva hwaenda kwamupfiga nebwe. Vaviri ava vakadananirana pasi pedengu zvainwisa mvura zvekuti vakange vasvika padanho riye rekusapedza zuva vasina kuonana kunyanya munguva dzehusiku..
Gift akasvika danho riye rekudzima tsambanhare dzaJane muserefoni yake paye paanenge ave munzira kuenda kumba. Kana serefoni akange asingachaisi pamagetsi nekutyira kuti ingabatwe nemudzimai wake.
Kumba kwaJane aibatwa samambo zvinova zvakaita kuti pfungwa dzake dzifunge zvinoendeka pamusoro paJane. “Ko kungomuita mudzimai panenge paine chakaipa here? Pane asingade mudzimai akadai here? Zvimwe ndiMwari vakaita kuti ndisangane naye, zvaiva nechinangwa.” Izvi akazvifunga mumwe musi waakange ari kumba kwaJane akamuyeva achingunotamba nemapoto iye akazvambarara zvake pamubhedha.
Nerimwe divi, Ratidzo akazviona kuti kubva zvaabereka Omega, Gift akabva ashanduka. Mabatirwo ake akange asiyana kana achienzanisa nepaakabereka Alpha aive wekutanga. Rimwe zuva agere zvake pamushana akaramba akayeva kamwana kake ako kaive mubishi rekukwekweta mukaka kubva muzamu rake. Akaerekana obvunza mwana wake nezevezeve kuti, “Omega mwana wangu, ndiwe here waita kuti murume wangu anova baba vako vandiseme kudai?”
Akatura befu ndokudzora aMaioen kuvana vaviri vekutanga. “Apa hapana chimwe, inyaya yekuti vose vaita vasikana chete. Zvino ini ndini ndakazvisarudzawo here? Ndini ndingatongerawo denga here? Vose zvavanongova vana wani.”
Manheru ezuva iroro Ratidzo ainge asati arara nokuti pfungwa nemoyo zvainge zvisina kugadzikana nekuda kwemurume akange asati adzoka. “Pamwe pangangodaro paine chawana mumwe wangu nekuti haasidai. Hongu doro anorida hake asi anoziva nguva yekupinda mumba.” Apa Ratidzo aingunotaura akatsigira rushaya rwake nechanza cherudyi.
Gift akapinda mumba nguva dzatova panagumi. Nguva dzekuti vazhinji vanenge varovera matama pasi. Haana kupa tsanangudzo yekwaainge anonokera sezvaitarisirwa naRatidzo.
“Gift kwakanaka here?” Ratidzo akabvunza mushure mekuona kuti hapana tsanangudzo yaaizopihwa.
“Unorevei?” Gift akapindura achiratidza kukanuka nemubvunzo wemudzimai wake.
“Heya. Ini ndini fuza. Wanonoka kupinda mumba uku ndichizvidya moyo kuti wawanikwa nei. Wasvika hautaure chakunonotsa. Akataurwa nezwi rakadzikama.
“Kureva here kuti ndinofanira kukuudza mafambiro angu ose?”
“Usanditaurire zvisina maturo wanzwaka?” Akataura izvi achinongedzera murume zvinova zvaakange asati amboita kubva vatange kuzivana. Akaenderera mberi, “Ndiko kunonzi kushaya mukanwa ikoko. Zvawakandiudza kuti urikuda kuenda kumusha kunoona baba vako ndakange ndambokubvunza? Zvawakarwara urikubasa wakadii kungoenda kwachiremba usina kundiudza? Nhasi wonditaurira magaramoyo…”
Pakarepo Ratidzo akabva angoona nyeredzi. Akazoerekana abata dama rake rekurudyi rinova rimwe rematama maviri aigaroyevedza Gift nekuda twetwukomba twaibuda pese paainyemwerera. Akange arigashidzwa ganyamuto rembama zvekuti akanzwa mukati kati menzeve dzake morira senyenze.
“Gift…” Ratidzo akataura nezwi rakashoshomara seremutenda. “Wandirova Gift?” Akaenderera mberi.
Nyakurova wacho akabva atsikitsira uku akagukuchira chiso muzvanza zvake zvose. Akazokanuka ozunzwa zunzwa semushuku achinzi, “Chibva wandiuraya zvako. Ndiuraye iwe!” Apa izwi rakange ratokwira zvekutoda kuti vavakidzani vanzwe. “Uri kuregererei, ndati ndiuraye iwe imbwa iwe… Maihweeee.” Akabva awedzera kuibongomora.

Magumo eChitsauko 4

14/11/2024

MBEREKO

Rakanyorwa mugore ra2016

naClarence Mandisodza

0775 874 868

https://chat.whatsapp.com/KLN7FBL0ElIBj3arzX9t4y

https://whatsapp.com/channel/0029VagFhhnBadmSjuzcJE1p



CHITSAUKO 3

"HANDISI PWERE"

Semunhu akange ofungisisa zvakawanda pamusoro pekushaiwa mbereko, Gwinyai akange ononoka kubuda muhofisi. Nguva zhinji anenge akatsikitsira uku akaisa musoro muzvanza zvake wozongonzwa kutura befu semunhu abva kuita basa rinorema. Panguva idzi akange aona iye asina chipomerwa asi kuti mudzimai wake.
Ko, ndizvo-ka zvinoita varume vazhinji. Chakaipa chose chinokandirwa kuvanhukadzi. Mwana akaita misikanzwa unonzwa baba vacho vachipopotera amai kuti, “Uri kuona here matakanana ari kuita mwana wako?” Kana agona unonzwa zvichinzi, “Mwana wangu iyeye, Mhofu yakabereka zvayo apa.”
Gwinyai aizobuda muhofisi mushure meawa kana kutoraudzira. Ipapo vamwe vose vanenge vachaisa, vazhinji vanenge vatove kudzimba. Izvi zvakaitika kwemazuva ane chitsama. Munhu aitozomuvhurira gonhi ndiamainini vake Vimbai uyo ainonoka kurara semunhu anenge achiverenga zvake. Kazhinji Vimbai airara pakati pehusiku.
Achinge apedza kudya aigara chinguva muimba yekutandarira uku achiona chivhitivhiti kunyangwe'po pasina zvaipinda mumusoro pane zvaionekwa zvacho. Kwaingove kugara kwemunhu uya ari kuzvidya moyo nepfungwa. Waizoona Vimbai ouya kuzosimudza midziyo inenge yadyirwa.
Shasha yaizokanuka yobvunzwa kuti, “Ndokudirirai mvura here babamukuru?” Ko, aizoramba nepapi iye abvunzwa nezwi rakanyorovera sedonje rinorimwa paGokwe apa. Chinguvana waizonzwa yangove here here mumba'mo pamwe nekusekera pasi kuri kutya kumutsa vakadzipfodora zvavo.
Aizopinda mubhedhuru pakati pahwo husiku. Chaizomushamisa kuona Hamu akasvinura. Aizoshaya kuziva kuti ndivo vamutsa munhu here nenyaya dzavo naamainini kana kuti munhu haana kumbobvira atsumwaira. Ko iye Hamu wacho aigorara nepapi murume asati apinda mumba? Aigorara nepapi nekufunga-wo hurema hwake? Akange asvika pakugamuchira kuti ndiye ane dambudziko rekushaya mbereko.
“Baba Tadi,” Hamu akashevedza nezwi rairatidza kuti rambochema nekuti rakange risina simba uye rakashoshomara.
Izvi zvakavhundutsa Gwinyai uyo aifunga kuti munhu arara kare. Akange agere kumucheto wemubhedha semunhu aitya kumutsa varere. Panguva dzekudaidzwa idzi, ainge obvisa shangu yekuruboshwe. “Maswera sei?” Akabvunza achitendeukira kumudzimai wake.
Ko anonzi Tadi aive ani zvakare sezvo pamba apa painge pasina kana kacheche zvako? Nguva yavaidanana vakange vawirirana kuti mwana wavo wekutanga, angave mukomana kana musikana, vaizomuti Tadiwa. Nokudaro nguva zhinji vakange vodaidzana nezita remwana wavo achazouya, Tadi.
Zviye zvekuti kana uchitaura nyaya woti pamunondo pamusasa waisazviwana panaHamu. Munhu aisarova imbwa akaviga mupini kana kutaura akapetera rurimi mudama. Nyaya yake aibva angoiti dyo semunhu ari kurova musoro wenyoka.
Zviya zvaakakwaziswa nemurume wake akati, “Mazuva ano hameno kakungoshiringinya kauri kuita. Wakambozviona-wo kuti wachinja hunhu hwako? Muchato wedu ukati uchiripo iwoyu? Hongu ndakundikana kukupa mwana asi mabatiro awave kundiita handisi kumada." Akambonyarara kuti Gwinyai awane-wo zvaangataure.
“Ko ndadii futi mai Tadi?” Akabvunza achibvisa shati yake kuti awane kupinda mugudza.
“Usandione sekamwana kegiredhi hwani wanzwa-ka? Saka kwauri zvose zvakakunakira? Ndidzo nguva dzawaipinda mumba here kubva titange kugara tose?”
Gwinyai haana kupindura, akangoramba anyerere semwana abatwa achiba dovi. Kana mugumbeze macho akabva ambomira kupindamo. Shati yakange yakandwa mubhasikiti renhumbi dzakasviba. Kachando kakatanga kumufuridzira ndokutanga kumerera.
Hamu akaenderera mberi, “Wakaguma riinhi kundiudza kuti unondida Gwinyai? Ini ndini wekungokuudza chete kuti ndinokuda usingapinduri. Bhaibheri chairo wakaguma riinhi kuriverenga?” Mibvunzo yakanaya isina aipindura.
Zvedi, akange ave munhu wekugara achiverenga bepanhau kunyangwe nekumba. Kuverenga Bhaibheri ndiko kwaive kudya kwake kunyanya panguva dzekurara asi akange ave wechivitivhiti, nyaya naVimbai kana kuti bepanhau. Rume rakatura mafemo sekunge ranga richitimba pasi pakaomeswa nezuva raGumiguru.
Pakarepo akanzwa Hamu ave kutaura zvakare. “Ini handirambi kubva pano asi ndinobva negupuro mosara mogarika zvenyu. Zvekuva chidzitiro muupenyu hwako handidi. Mosara zvenyu motsvaga vanokupai mwana.”
“Kwete Hamu mudzimai wangu. Haisiriyo nyaya, ati hauchadiwe ndiani mumwe wangu?” Akadaro achiisa ruoko rwake kumusana kwaHamu sezvo akange awana simba nemukana wekupinda mugumbeze. Akaenderera mberi, “Inga ndakavimbisa kuti munhamo nemumatambudziko ndichange ndiinewe.” Akataura achisendeka musoro wake pabendekete raHamu uyo akabva aitawo manyemwe ekurizvengesa.
“Kwete Gwinyai, ndinoda kuti unditsanangurire kuti maitiro ako aya akabvepi uye ari kunangepi? Kana ndirini ndiri kukanganisa ndibve ndaziva?” Pakarepo Hamu akamuka ndokutora gumbeze ravaive vakafuga ndokubuda pasina kana shoko rimwe rataurwa naGwinyai uyo akasara akangoshama muromo senyana riri kuda kutambira chikafu kubva kuna amai varo.
Aifunga kuti inyaya yekutamba nayo. Kubuda kwakaita Hamu ndiko kuona kwaakaita kuti harisi dambe. Akabva angopinda mukupishana nepfungwa. “Zvinotaurika here kuti baba vari kunetsera muzukuru? Zvingaite here kubuda pachena kuti zvedi inyaya yembereko yadai kundifurufusha?” Hope hadzina kuuya. Nekuziva-wo mudzimai wake kuti ndichandagwinyira, akazvibvunza kuti, “Tsanangudzo yandingape Hamu ikamugutsa ingave ipi? Zvinonzi chokwadi hachiputsi hukama asi ichi ndinofa nacho.”
Akazobiwa nehope utonga hwotanga kutsvuka ndokuzopeputswa nemutsvairo waingunorwisana nechivanze. Nguva dzakange dzonanambira kunobata sere. Akamuka ndokunogeza nemvura inotonhora sezvo painge pasina amuisira inodziya. Achipedza, akapinda muimba yokutandarira ndokuwana tafura isina chinhu.
Nerimwe divi, Hamu zvaakabuda mubhedhuru akabva ananga kwairara Vimbai. Akawana Vimbai achinamata ndokubva angopfugama-wo. Vakazoitirana pamwechete kuti “Ameni.” Vakakurukura kwechinguva maererano nenyaya yakange yaita kuti Hamu atize mubhedhuru. Vaviri ava havana nyaya dzavaisataura, kuwirirana kwavo kwaive kwemukombe nechirongo.
Vimbai semunhu ainge asina ruzivo rwakanyanya munyaya dzemba idzi, hapana zvizhinji zvaakataura. Kutaura kuzhinji kwaiitwa naHamu mwene wenyaya. Vakatozorara nguva dzapera, machongwe ekutanga oita mapitse ekukurudza.
Hamu akashamisika kuona Gwinyai achisvika pamba kunze kuchakati ngwe-e kuchena. Nguva dzakange dzichangodarika paina wemasikati. Izvi Gwinyai akange apedzisira kuzviita masvondo mana kana mashanu akange adarika. Kusvika-wo vanhu vasati vambotanga kubika, dai aive nemwana ndipo paaizonzi “Makasimba here baba?” Semunhu akange ave nenguva yakareba asina kuonana nemwana.
Chaainge akwanisa kuita kwaive kutakura zvishoma zvaakakwanisa. Bepa racho rairatidza kuti rakatakura zvipfeko, kurudyi kwaive nebepanhau. Haana kusiya akiya motokari yake. Pasina chinguva Vimbai akadzoka ndokuvhura gonhi rekumashure ndokutora kabhokisi kaive kakaputirwa. Akadzosera zvakare musoro mumotokari ndokutanga kukweva zibepa raive negumbeze rakaisvonaka. Rairatidza kuti rakakora chaizvo uye richivimbisa kuzodziya zvakadarikidza munguva yechando.
Hamu akange ari mubishi kuverenga Bhaibheri, kuna Mapisarema makumi matatu pavhesi yechishanu. Yaive tsika yake yekuti kana achiverenga aipfeka magirazi ake ayo aikudza mavara. Yaive-wo tsika yake yekuti munguva iyi airereka musoro senherera iri kutukwa naamai musarapavana.
Kana paine vhesi yaakange anzwisisa uye achigona kurarama mairi yaive kuna VaEfeso vechina vhesi yekubva pamakumi maviri nenhanhatu kusvika pane yechinomwe yacho. Inotaura kuti usapedze zuva wakatsamwa nekuti unopa wakaipa mukana. Izvi zvakaita-wo kuti Gwinyai anzwe kusununguka kunyangwe'po ainge abuda zvisina kunyatsoti swatu-swatu.
“Maswera sei baba Tadi?” Akadaro paakaona murume wake achipinda.
“Ndamboswera kana maswera-wo, ndimi munaro shoko,” akataura achigara pachigaro chake chemazuva ose.
“Nhasi ndambofamba naro chaizvo, ndimi mabvako kumushando?”
“Kumushando kwanga kuri nane, unongoziva-wo kuti sekupera kwemwedzi kudai basa racho haripere.” Akatura mafemo kuratidza kuti zvedi kubasa kwamunetesa.
Hana yakati tiba kurova paakaona Hamu achivhara Bhaibheri. “Asi ave kuda kutondibvunza nyaya yemadeko iye?” Idzi ipfungwa dzake dzakazviponda nemubvunzo.
Hamu akasimuka ndokunanga kuchivhitivhiti kwaakasvikotora kandiro kainge kakavharwa nemambure anovhara chikafu. Akasvikokagadzika pamberi pemurume wake ndokudaidzira, “Amainini huyai nemvura yekugeza maoko.”
Chinguvana Vimbai akapinda akabata zvakange zvataurwa pamwe nejira rekupukutisa maoko. Akasvikotsveta patafura ndokupfugama achimhorosa babamukuru vake. Akabva abuda, Hamu ndiye akasara ogezesa Gwinyai maoko.



Magumo eChitsauko 3

Address


Telephone

+263775874868

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Kilar Novels posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Organization

Send a message to Kilar Novels:

Shortcuts

  • Address
  • Telephone
  • Alerts
  • Contact The Organization
  • Claim ownership or report listing
  • Want your organization to be the top-listed Government Service?

Share