Bs braggnave sikaz book/stories

  • Home
  • Bs braggnave sikaz book/stories

Bs braggnave sikaz book/stories Enjoy wonderful Novels here. if you want PDFs App me 0713553084 Love must lead.....the writer of love stories is here enjoy and comment

23/11/2024

I love you so much please get back to the novels now regai timbokunakidzai.

23/11/2024

https://chat.whatsapp.com/KLhgEASHaHFFJvt27F564F

Follow my channel 👇🏽

https://whatsapp.com/channel/0029VagHH2B60eBXrjVM7d14

*I DIDN'T KNOW THAT I LOVE YOU.*

STORY BY:

BS
*BRAGGNAVE SIKAZ*

CONTACT
0711340922
0773490777



*Chapter 3*

*Gray Mathews*
Daddy vakazouya iri monday ndikavavhurira gate vachibva vapinda zvavo since driver wavo akanga achida kumboenda ku Off. Akangovasiya achibva atopinda mumota yaakanga achishandisa iye ndokubuda oenda ku off. Daddy called masisters angu vari ku Uk nevamwe vari ku America and he presented the issue yakanga ichinetsa asi pakupedzisira vakati.

"Chandipa kukufonerai girls I want you to warn your young brother, he shouldn't go against his mom." ndakavatarisa vapedza kutaura kudaro. Ndakabva ndatosimuka zvangu paya ndaida kuenda kunorara nekuti nyaya yavo yakanga isina kana nyaya.

"Gray come back here and have a sit." vakadaro mhamha and I heard one of my sisters akuti. "Daddy rovai munhu. Ndakavatarisa daddy ndikatarisa mhamha ndikati.

"Kana zvandirikuita zviri wrong i will remain wrong. Hapana asingazive kuti life yatinoda kuti mumwe munhu ararame ndiyo yatinofanira kuzvishuwira. Imi muri 6 daddy, mom and 4 sisters kana mati ndiri wrong then fine do your thing tosangana ku court." pandakataura mashoko aya daddy vangu vakaratidza kuvhunduka. Ini chandakanga ndichiziva ndechekuti ndini mwana mukomana and my father will always love me asi vanenge vachifurirwa namhamha. Yes mom was wrong and I know ndaisafanira kuenda against ivo asi chakanaka chakanaka zvatoda kuti tiitirwe izvozvo ngatiitire vamwe that is the lesson.

Pakazoita Brielle ari one anova firstborn yemumba medu ndiye akazoti pafoni ipapo.

"Haaaaa asi zvimwe ndezvimwe daddy, Gray he is right I am feeling him. Kana mhamha vakarova mwana wevanhu nekuda kwekuti vakanzwa kuti mbuya vake vanoroya is the most dangerous thing our mom did apa." mhamha vakada kutaura paitaura Brielle asi vakadamburwa na daddy zvikanzi.

"Nyaya iyi itai ipere ndokuti zviite zvakanaka, kana ikasapera this means you will be against mwana wako mai Brielle ipapo pabate zvakanaka mukadzi wangu. Gray is making sense hake panyaya iyi. Lets treat others the way we want them to treat us. Saka mukomana on Thursday pamunoenda ku Court anofanira kubuda. So what I am going to do is to call the Judge now nditaure navo nyaya ipere."

Nechemumoyo ndakangoti thats my father. Ndakanyemwerera and my daddy was a very big shark vakabva vatofona direct to the Judge vakataurirana zvikanzi na Judge. "so its fine we'll make it happen the way you want it to be done Mr Mthews." vachipedza vakabva vapinda mumba mavo takasara takutaura zvedu on video call with my big Sisi Brielle apo Brenda, Brianna and Britney vakanga vangonyarara zvavo kkkkk. Zvakaoma.

Zvino musi we Court wakasvika tese takanga tiri pamba ini na Daddy na mom. Takaenda ku Court hedu uko kusina zvakawanda zvakanoitwa mukomana akabuda zvake tikadzoka kumba achingosvika kumba akabva atoramba basa. Daddy was trying so hard kuti mukomana adzoke kubasa asi akarambisa nekuti akanga akutya. Mhamha vakangoti siya iwe hausi chinhu. Ndakatarisa divi ndikanyara.

Zvino ini namai vangu tisu takanga tiri vanhu vepamba ka saka takasara tiri 2 daddy havana kuzogarisa nekuti vakanga vachienda ku training ku Russia. Vakabuda takavaperekedza ku Airport na Driver wavo aiva Colonel. My father was one of the top 20 yekumusoro yenyika. Pamba pedu chero vavakidzani vaiziva baba vangu ndofunga vanga vasingasvike 5 mu area.

Takasvika ku Airport vainokwirira kubulawayo ndege yavo. Takaparadzana nadaddy tichibva tadzoka zvedu kumba. Ndakangoita weekend yese ndichifunga, munhu wandakanga ndichifunga ndi Melisa apa ndakanga ndisina kana number yake kana pekumubata ndakanga ndisina. Zvino ndakati dhuuuuu kufunga ndikati nechemumoyo horaiti ndichamutsvaka and ndichamuwana chete regai ndimbokura zvangu. Ndakaenda zvangu kuchikoro samazuva ose. Rimwe zuva ndakaona mumwe musikana she was looking like Melisa apa akanga ari mu new one pachikoro pedu. Ndakaenda paari ndikamumhorosa ndikangoti wakafanana nemumwe musikana wandaitamba naye ainzi Melisa iwe unonzani.?

"Oooooh ndinonzi Rudo." ndakanyepera kuvhunduka ndikati. Waaaaaaaal this is amazing. Ndimi vaya vane zita rine ma letters 4 kushona and 4 kuchirungu. Akaseka zvikanzi "What you mean?" ndakamutarisa mumaziso ndikati.

"Rudo/Love" akabva aseka zvake ndakanyemwererawo ndichibva ndati mumoyo mangu ndikatamba hangu ne uyu ndogona kutokanganwa zvangu zva Melisa asi kana ndikakura ndichamutsvaka zvangu chero ndikamuona ava mukadzi wemunhu ndongofara kuti ndamuona.

"Okay Rudo can I tell you something now?" akanditarisa akaseka zvikanzi.
"Yes yes taura hako dear ko inga ndiripano. Ndoda kuti ukapedza kutaura ndimhanyire shamwari yangu plus handisati ndajaira zvepano pachikoro apa saka ndoda kumboratidzwa ma corner naye." ndakabva ndati.

"Rudo I'm Don Shuravanhu." ndakamunyepera ndakanga ndisingadi kuti ndizivikanwe nevanhu vakawanda kuti ndiri mwana wamudhara Mathews. Akaseka akati. "Surname yako yakaoma kkkkk nhaiwe are you serious?" ndakamutarisa ndikati. Yes thats my surname dear. Nyaya yangu yakamira sekudai. Ndakuona hangu ndikaziva kuti uri mutsva pano ndikakufananidza neimwe shamwari yangu so I suggested kuti tingotamba tese iwe neni. Mashoko angu haana kuenda kure hawo nekuti takanga tisina nguva ndaisada kuonekwa zvakanyanya ndakamira naye pa public because aizoudzwa my real name and my real me. Ndakabva ndaburitsa foni yangu. Isa number yako. Akabva aisa ndokutoenda ini ndichiendawo ndichinyemwerera zvangu.

She is so pretty shame. Ndakanga ndakamira pacorner pe block.
"Wanakirwa ka apa Gray.“ Hana yangu yaiarova kani ndakanga ndisina kuzvitarisira kuti Shamwari yangu David anga achiona zvese zvakanga zvichiitika. Ndakabva ndatoti. Haaaaa ibhiza sha. Asi I just wanna be her friend haisi nyaya yerudo iyi.

David akanditarisa akabva aseka ndokusiyana nazvo hake we went ku class kwedu ndokusvika ikoko ndokuita lesson redu tichipedza ndakabva ndabuda kuenda kutoilet I was hoping to see this girl. Asi handina kumuona nguva yekupedza yakasvika ndokubva tabuda takuenda kumba mhamha vakanga vatova pagate kuzonditora kuti tiende zvedu kumba. Takasvika kumba zvakanaka naka asi nyaya pakanga pasina mhamha vakanga vane kakurwadziwa neni. Ndakazoti tasvika kumba ndikati. Mhamha lets sit and talk mama. Takagara pasi namhamha ndikati.

"Mom I am your son and the only son you have. Will you please forgive me ndirikuziva kuti makatsamwa asi ndini zai regondo renyu mhamha one munhu achasara ari baba pano. Ndiregererei." ndakataura mashoko aya ndakabata maoko amai vangu vakanditarisa vachibva vandipa hug ndikati zvapera apa ndakanganwirwa. Ndozvinodiwa izvi kuti mai vakukanganwire. Ndakabva ndava neukama hwakanaka namhamha vangu zvekare. Ndakazoti pava paya ndikati.

"Mhamha ndirikuda kuzokukumbirai kuti kana mukawana mukana mungoenda kumba kwana Melisa munongoti kunamai vake sorry nezvakaitika please mom dont say no to me the only son you have mama." mai vangu vakanditarisa vakaseka zvikanzi.
"Are you taking advantage yekuti ndiwe wega. Manje ndakuda kuita imwe mimba ndiite mumwe mwana mukomana." Ndakaseka it was only a joke ka. Ndakavatarisa ndikati mhamha ndazvinzwa asi for now ndini mukomana chete chero muchida kuzoita mumwe for now ndini hanty ka.

"Okay then I will do so asi ngazvigume zvese zvekuti iwewe unotamba naye handidi kumona pano and handidi kumuona mulife mako." Ndakavatarisa ndikati zvakanaka and agara haasisiri muno muGwwru hake. Ndakabva ndatotora foni yangu I wanted to Call Rudo uyo wandakanga ndasangana naye kuchikoro kwedu.

Call haina kana kunetsa kupinda.
"Hello Rudo Its me Don."
"Ooooh okay how are you dear." Akabvunza
"I am blessed girl I am home now I wanted to talk to you ndisati ndabva pachikoro asi mom was on my neck wena saka ndakasira kubva pachikoro." ndakataura ndichinyaririra ndaiva neka feeling kandisinganzwisise pamusikana uyu.

"Yea ndazviona hangu kuti wanga wakamirirwa zvako. Its okay dear I am not going anywhere now ndiri pachikoro penyu ipapa. So you will see me always."

"Thats fine asi ndanga ndichida kuti ndingokuudza zvangu kuti When I grow up I want to be a husband." ndakauraya mwana wevanhu kuseka zvikanzi you are very funny wena.

"Zvamwari I just like you so saka ndoda kukuita bestie wangu now and then when We Grow up toita husband and wife." haaaa takazoita nyaya na Rudo nekuti tese takanga tiri vanhu vairatidza kunzwanana zveshuwa. Takaita nyaya kusvika ndazosimuka ndakuenda kunogeza zvangu. Ndapedza kugeza ndakadzoka muroom mangu ndakamonera towel zvangu. Ndakatora laptop yangu ndokutanga kuverega manotes. Chikoro ndicho chandaida zvekudaro. Ndakazoti late hour ndamuka ndokuuya kuzoona Tv nevamwe tikadya tikapedza. Ndakazoisa Joke zvangu ndikati mhamha ndikapedza kunyora ndoda kubva ndatoroora. Mhamha vakeseka vakati unopenga chete. Ndakasekawo ndikati ehe ko ndorambirei ndichienda kuchikoro ini ndine zvinhu zvangu. As we speak daddy vakandipa card rangu rine 5000usd yekushandisa pa holiday yega yega. So ndichipedza kunyora form 4 yangu ndotora 5000usd yangu ndonoroora ka mhamha.

"Usapenga iwe ka. Ndirikuda pilot pauri apa hapana nyaya yekuroora yauri kutaura iyi. Imboita zvechikoro or else i will ask your father to freeze your accounts ka ini unondiziva wani ndinombozvida here zvemunhu anoda kurebenuka seGirraff pamberi pangu." Vakatopopota mhamha ndikazoti I was joking hangu asi ndoda kuenda kuKariba muna December. Ndichaenda neshamwari yangu ikoko imimi moenda kwamunoda nadaddy. Ini ndikuda kumbofamba ndega."

Mhamha vakanditarisa zvikanzi. Unoziva kuti uchiri mwana mudiki here nhai Gray its only a body yakakura iyi mwanangu uri mwana mudiki zvekuti dhuu. Plys your father will be back to Zim next year june.

Mhamha munongondityira zvangu asi ndatokura hanty next year will be 17 years here mama. Haaaa ndakura ini.

Haiwawo rega ndiende kunorara ini. Unotaura nadaddy vako kana vakati enda hako kuKariba unoenda vanokupa driver kana kukupa munhu kubva kubasa kwavo waunoenda naye so that he will be very sure kuti uri safe handiti unoziva kuti baba vako havadi newe ka.

Hongu mum I know kana madaro now makutaura samai vemukomana manje. Kkkkkkk takaseka zvedu takuenda kunorara. Musikana webasa akasara akuita cleaning zvake mumba ini ndakananga kuenda kuroom kwangu ndega. Mangwana acho ndaida kuenda kuchikoro nekukasira. Ndakamuka kuma 4 ndikaita work yangu ndikageza ndokubuda zvangu ndakuenda kuchikoro. Semunhu akanga asisina driver ndakabuda namhamha ndokunosiiwa kuchikoro ndichipinda gate dhuma dhuma naRudo neshamwari yake. Ndakangoita senge ndisina kuvaona ndichibva ndananga ku class kwangu. Chandaisada kunyanya kuita close navo.

Pachikoro painakidza zvapo mazuva aya ko anga ava madays ekupedzisira ka akanga akuendwa takanga zvino tatarisana nekunyora Zama takanonyora zvakanaka ini neshamwari yangu Rudo hushamwari hwakanga hwakuita huchikura manje.

Rudo akazoti rimwe zuva ndichibuda muclass kuti ndiende kumota kwakanga kuna mhamha vauya kuzonditora. "Gray mira ipapo." Ndakavhunduka ndikamutarisa.

Ndakabva ndamira ndikati unoreva ani nhai?

"Ndinoreva iwe Gray Mathews ko kunyepa kwakambonaka here.?" ndakabva ndanzwa kuneta ndichibata bag rangu mumaoko ndakariburutsa kumusana ndichibva ndamutarisa mwana wevanhu achirova step achiuya kwandiri.

"I was checking about you nguva yese iyi. Mai ava ndovaziva ava ndakambovaona kune imwe Ladies Meeting kwandakamboenda namhamha vangu vachinzi Mrs Mathews baba vako munhu ane mukurumbira asi vazhinji havavazive even me I dont know your father asi mai ava pandakavaona vachikutora pano ndakabva ndavaziva vanotonzwanana namai vangu. Vatori ne maround avanotamba namai vangu. " mashoko aya akandipa kuona nekuziva kuti ndakanga ndanyangira yaona.

"Aaaaaaah okay sha ndanzwa ya ndini zvangu asi ava ndimainini vangu havasi ivo mai vangu. Mr Mathews vaurikutaura ndiye murume wavo ini ndiri Mwana wemupfana wababa ivavo vaukuti vane mbiri. Vangu baba vanogara kumusha kuShurugwi saka ndini Gray asi kwete zvekuti ungati ndiri mwana wavo vaurikutaura nezvavo wena sorry nekusakuudza." Ndini uyo ndakanga ndakuvhara ma1.

"Okay asi nyaya yandakumisira ndeyekuti ndikuudze kuti ndakukuziva usandinyepera zvako kana zvaurikutaura apa ndezvekunyepa and I know the truth hangu asi zvisinei its cool to keep it low so." Akadaro achibva atoendawo kumota kwavo takatarisana ndichifamba kuenda kumota kwaiva namhamha.

"Maswerasei Mrs Nathews." Ndakadaro ndichikwazisa mhamha.
"Kkkkkkkkkkkkk asi ka iwe mwana iwe uri bho bho here iwe. Mrs Mathews inini mai vako manje?" vakashamisika mama.
"Yes mhamha imimi ko hamusi here Mrs Mathews hanty ndimi henyu. Maswera zvakanaka here nhasi.?"

"Ooooooh Okay Mr Mathews how are you.?"
Ndiri bho mhamha asi nhai mhamha I want you to find a driver izvozvi vanhu pachikoro vakuziva kuti ndiri mwana wenyu nditsvakirei driver ka ndinoda kuti ndigogara ndiri mwana akafanana nevamwe vana.

Mhamha vakanditarisa.
"so tell me is it embarrassing for me to come and pick you up after school and to drop you off in the morning??" No mhamha its not like that I am just saying hangu I wanna be normal chete. Ndazivikanwa nemumwe musikana so wandanga ndisingade kuti andizive.

" Akuziva kuti ndiwe ani? " mhamha vakabvunza.
Aziva ka kuti ndiri mwana wamudhara wangu kkkkk nhai zvekuti ndizivikanwe kuti baba vangu vanopisa handidi mom and you know that. Haaaa handizvifarire handidi kutyiwa ini. Ipapa anogona kutanga kundidira izvozvo. Atoti mai vake vanotamba maround nemi.

"Hoooooooo ndaziva haasi mwana wa Mrs Shiri here waunoreva kana ariye anodzidza apa anonzi Rudo. Ndakanzwa mai vake vachiti ndakaisa mwana wangu pa Thornhill. Kana ari iye chete inga you have a good company son. She is a good girl and a very good friend for you. Baba vake he was the General we Airforce."

"Ah ooooh zvatanga manje. Ndizvo zvandisingade ndosaka ndichida hangu kutamba na Melisa wangu asina kana background." mhamha vakanditarisa pandakataura zva Melisa zvikanzi.

"Melissa this and Melissa that. Nyaya yamelisa handidi kana kuinzwa ndakanokumbira vabereki vake ruregerero vakabva vandiudza kuti Melisa haasisiri muno kureva kuti stop thinking about her. She is a very poor friend and she doesn't deserve to be by your side. Haaaaaa udzikame tamba na Rudo zvakanaka and kana ukada kuti wapedza chikoro unoda kuenda for a trip naye to Dubai I will sponsor nekuti paunopedza handiti iye anenge ava form four which is okay." Mashoko amai vangu maodza moyo. Ehe kutamba na Rudo was okay nekuti ndaimufarira zvekutozova that deep handaizviona wandaida to such extend ndi Melisa.

Okay mhamha but Melisa sorry but Rudo....

End of this chapter

Wait for next chapter

To God be the glory

23/11/2024

https://chat.whatsapp.com/KLhgEASHaHFFJvt27F564F

https://whatsapp.com/channel/0029VagHH2B60eBXrjVM7d14

*I DIDN'T KNOW THAT I LOVE YOU.*

STORY BY:

BS
BRAGGNAVE SIKAZ

CONTACT
0711340922
0773490777



*Chapter 2*

*Melisa*
"Gray handidi kumuona futi mhamha zveshuwa ndinourawa namai vake handidi kana kumuona apa honai maenda kupolice nyaya haina kana kwayasvika. Fonerai Daddy Shelton vanditore ndinodzidza hangu ku Harare ndichigara ikoko than zvekuswerera kuitwa munhu asina kukwana muraini muno nevanhu vane mari isu nekuda kwekuti hatina mari mhamha. " Mai Vemusikana Melisa havana kana kuramba vakatoona zvakanaka zvakanga zvataurwa nemwana wavo.

Ipapo ipapo vakatora foni yavo kwakuchaira bamunini Shelton avo vakanga vachizivikanwa nekunzi Shelaz The barber guy paHarare mutown.

"Baba mwana ndati nditaure nyaya yangu ndega iyi kana mukoma venyu havana kubvira vakataura nezvayo. Mwana wenyu akazvamburwa senyoka yapinda mumba ikamedza Mwana nevamwe mai vepa next pedu apa saka now andina kana remuromo mufunge ndanga ndafunga kuti auye hake azogara ikoko achidzidza ikoko. Ini ndikashanda wo ndotumira mari yechikoro."

"Haaaaa ambondiisira message ndashaya kuti anorevei mwana asi kana zvakadaro maiguru haisi kana nyaya ngaauye mangwana chaiwo toita plan adzidze kune zveikoko kana zvakadai hatizive kuti mai ava vanofungei vanokuvadza kana kuuraya mwana." vakapindura baba mudiku vake Melisa zvisinei akasimuka kwakuenda dhorobha reHarare kwaakanga akunodzidza hake asi Shamwari yake Grey akasara ku Gweru.

"Melissa bamunini Shelaz zvavabvuma kudai kana woenda uve mwana akanaka kuHarare zvekunzwa zvetukomana handidi kana kuzvinzwa." aya ndiwo akava mashoko amai vake vachiraira mwana pakusimuka kwake oenda Harare.

"Zvakanaka mhamha musatya ndichamira nemi zvekuti mashoko enyu handina kana wekumarasira kwaari mhamha. Magara kutondiziva kuti mwana wenyu handina zvangu zvakawanda asi chandinoshuwa muupenyu kuva panana Gray ipapa zvekutovadarika ndigochengeta vanotambura zvakanaka. I know kurwadza kwazvo mhamha saka musatya." akapindura mashoko aya mai vake vakafara vakadzamirwa vakaziva kuti apa ndakazvibarira mwana anofunga kudarika vamwe vana.

Kutosvika kwemusikana muHarare kwakanga kuri kutanga kwenyaya manje iye haana kuziva kuti ndiko kutanga kwazvo. Akasvika kumba kwaBamunini vake.

"Makadii daddy." kukwaziswa kwabamunini Shelton nemwanasikana Melisa akanga ava kugara navo abva Gweru. Bamunini vaida mwana wavo asi nyaya yakanga isiri kutambirwa namai manje kureva mukadzi wabamunini akanga asingadi zvekugara nevanhu akanga achinyima zvainzwisa tsitsi asi nekuda kwekuti mwana akanga abvawo kwaibvira kuGweru akanga asina hake option.

"Ndinofara mwanangu kwakurisei kuGweru." Vanobvunza bamunini mwana akapindura akafara kwakukwazisa mainini vake asi madairiro acho wega wakanga uchitongoona kuti apa parikuzobikwa Dehwe pachisiiwa nyama chete asi paiva pasina kana zvekuita.

Mazuva haamirire kuti Jongwe harina kukukurudza ka anongofamba zuva rinongobuda nomatter what. Nzvimbo yechikoro yakawanikwa pa Seke high mwana kwakutanga kuenda kuchikoro nemumwe mwana wabamunini vake akanga ari form 2 ipapo aiva ari mudiki wo hake.

"Melisa hauna kana lunch yaunotakura wava mukadzi mukuru iwe unoda kutakura lunch yei nhai?" Vakadaro mainini vake.

"Haaaa ini dont worry mhamha ndakauya kuzodzidza kwete kudya." Ndiyo mhinduro yakavagara pahuro segudo ramanwa netsombori. Havana kuzviratidza ipapo asi zvakanga zvavabata nechemumoyo vakangoti hazvina mhaka ndichapedza newe chete hauna kuvinga kudya asi chikoro sakana zvakanaka hazvo.

Vasikana vakabuda vakaenda kuchikoro zvavo zvakanaka kwakudzoka manheru svikei pamba pasina chikafu Melisa akaburitsa maplates akanga abikirwa kwakudana munun'una wake kuti vasuke kwakubva apindurwa namai vake.

"Haaaa iwe Melisa ita zvakanaka iwe mukadzi mukuru kuda kutokonda mwana mudiki haunyare. Arikumbozorora ari mu bedroom mangu iwe s**a hako zve nhai." vakadaro Melisa kwakus**a hake ega maplates aaiva asina kudyira. Ipapo zvakanga zvisina hazvo basa. Zvakazomurwadza Achiona Nyarai achibuda mumba mamai vake achitopukuta muromo achienda kunotamba zvakabva zvaratidza zvega kuti akaguta arikubva kudya.

Zvese izvi hazvina kumupedza simba nekuti chinangwa chakanga chiri chekuitira mai vake nemhuri yamai vake zvakanaka. Zvisinei hazvo nguva yakafamba achirarama saizvozvo asi akanga asingadi kuti sekuru vake vange vachiziva zvakanga zvichiitika mulife make nambuya vake. Rimwe zuva akatora foni kwakufonera mai vake achitaura navo akanga achichema asi kunamai vake akanga asingazviratidzi kuti vazive kuti arikuchema misodzi ndiyo yaingoyerera zvayo ari pafoni.

Sekuru va Melisa musi uyu vakakasira kubva kubasa vakatiwo regai ndiende kunogeza since vakanga vachishandisa toilet yepanze pakugeza saka vakanga vakabata zvavo bucket ravo vakaisa toothbrush yavo mumuromo vachidarika mu passage wanikwe mwana wemukoma wavo achichema asi Nyarai mwanasikana wavo akanga asimo imomo.

"Melissa mwanangu ko waitwei asi kuchikoro kune varikukushungurudza here kana kuti chii chirikunetsa?" Vakabvunza vachiratidza kushamisika kuti chaiva chii chakanga chachemedza mwanasikana.

"Haaa hapana daddy ndofunga kufunga mhamha uku." Ndiwo ega akava mashoko ake mwanasikana vachibva vatoona semunhu mukuru ndokubva vananga kunogeza. Melisa akazongonzwa vakunetsana mukadzi nemurume.

"Unoziva zvaurikuita mwana nekunyima kwako ikoko ndinokuziva hameno chete zvaurikumuita. Mazuvano ndirikuona masvosve akatakura rice muno mu bedroom unofanira uri kudyira chikafu muno chete mwana achifa nenzara manje ndoda kupota ndichimusiira mari. Anosara achitenga hake chikafu mwana wemukoma wangu." baba vakavava ivava. Mukadzi ndiye akanga asina kana chinomunyon'ora zvake akatoseka akati.

"Chero kutomubereka moenda mese kubasa." mashoko akataurwa namainini vake Melisa akamubata kwakubva ati verere kubuda pamba zvake.

*Grey Mathews*
Court haina kuzofamba zvakanaka pandakasimudza ruoko ndakabva ndati I am the witness. Vanhu vese vakanyarara kuti zii ndakazotanga kunzwa mahon'era vanhu vachizevezerana zvavo asi ndakaziva kuti vakanga vachinyeya mhamha vangu. Judge vakabva vati nyaya yacho inoenda mberi next week ini sa witness ndaifanira kunge ndichiuya ndiri ready. Ndakavhunduka asi hapana zvandaigona kuita nekuti ndiwo wakanga uri mutemo.

Chandaitya apa ndimhamha kuti nhasi zvangu kumba hameno kukagarika. Ndakanzwa vakuti. "Handina mwana anoita go against my life hakuna zvakadaro. Uchandiguta Gray ndatopedza newe so." Takabuda takuenda kumba asi vakanga vataura zvavo mashoko asi panguva iyoyo handina kuzviisa mumusoro. Patakabuda takananga kumba ndakaenda ndakagara kumashure ndichizvamburwa nemhepo. Tasvika zvakanaka, ndakangojamba ndichipinda mugate nekuenda muroom mangu.

Kwakavira ndakazvivharira ndakazonzwa call from daddy time time handina kudaira ndakazoenda pa Whatsapp ndikataura navo vakandiudza kuti kana uri mwana wangu hu witness hwako ngahuve hwekuziva kuti munhu wauri kumiririra haasi mai vako ndi Driver wangu wandakakupa. Ndakapindura zvangu.

"No daddy lets try to be humble not to be rough nekuti tine mari yakawanda or mune mari yakawanda. Hazvina kunaka in society kana mhamha vasirikuda kuti zviende nepamwe ngavatoita mukomana abude mujeri adzoke kumba kwake izvozvi ane mwana nemukadzi munoti vanosara sei?"

Baba vangu vakaita kanguva vanyerere zvikanzi.
"I am coming home next week monday." nechemumoyo ndakangangoti huya mudhara. Ndakabva ndakata foni pasina nguva ndakanzwa foni yamhamha yakurira ndikaziva kuti vakanga vari daddy vangu. Vakataura pafoni paya kwekanguva kadiki vachibva vatonyarara zvavo.

Zvisinei mazuva maviri akati adarika mupfungwa dzangu ndakatanga kufunga shamwari yangu Melisa ndikabva ndatobuda apa it was around 3 zuva ronovira. Ndakasvika pagate pavo ndika knocker asi hapana akabuda ndakavhura gate ndichibva ndapinda. Dhuma dhuma na Landlady wavo.

"Makadii henyu mhamha." ndakadaro ndine kakutya."Ndiripo hangu wakadii mwanangu."
Vakapindura nemufaro.

"Ndirikutsvakawo vanhu vekwana Melisa varipo here?"
"Hongu mai vake varipo asi vambobuda kunotsvaka mvura kuchibhorani chakaiswa apo pa junction chiya chemasolar icho." vakapindura vakafara zvekuti ndikabva ndati.
"Zvakanaka mhamha ndirikuda kuona Melisa regai nditevere ikoko." Ndakadaro ndototendeuka kuti ndibude.
"Ummmmmmm Melisa mwanangu., Pane nyaya yakaitika ka pakarohwa Melisa mazuva apfuura namai vepanext pedu apa ava ndinovimba kana uri wemuraini muno unovaziva mai Mathews ava. Vaya vanechikoro che Creche kuMukoba 7. Melisa akabva ato......" vasati vapedza vakadamburirwa panzira namai vaMelisa ndakavhunduka pandakanzwa kuti.

"Ndiani arikuda kuziva nezvemwana wangu. Haaaaaa Gray aiwa ibva hako wabuda zveshuwa nemarovero akaita mai vako mwana wangu uchine zvovindi zvekuuya pamba pangu shuwa. Haaa buda buda hako." Vakadaro mai velisa vakanga vakatsamwa zvekurevesa ndakabva ndatobuda ndichibva ndavharirwa gate.

"Ko kwakanaka here kwamunopinda nehasha asi ndiani uyu asi ndiye ana mai vakarova Melisa kahi?" Landlady ndivo vakanga vakubvunza ndikabva ndaziva kuti mai ava havandizive nhai. Ndakafamba zvangu ndakuenda kumba asi mumoyo mangu ndakanga ndichingoti. Mwari ka. Daddy pavanouya ka. Saka Melisa aripi asi? Ndakava nemubvunzo

End of this chapter

Wait for chapter 3

Commenting and sharing is what give us power

23/11/2024

Chanel follow👇🏽

https://whatsapp.com/channel/0029VagHH2B60eBXrjVM7d14

*I DIDN'T KNOW THAT I LOVE YOU.*

STORY BY:

BS
BRAGGNAVE SIKAZ

CONTACT
0711340922
0733100893


*INTRODUCTION*

*Chapter 1*

I was not even aware of this and mum why are you saying all this... Ndakanzwa kupindwa nechando apo ndakanga ndisina kutarisira mashoko akadaro kubva kunamai vangu avakanga vachiudza shamwari yangu.

Ndakagara navo pasi ndikati mhamha nditsanangurirei zvizera nyaya yamataura haina hayo zera neni asi Melisa ndichitanga kumuona makandiudza kuti ndiye shamwari yakanaka kutamba nayo ko nhasi zvauya sei makumuvharira door kuti agare panze?

Mazuva iwawo ndakanga ndine 16years pakanga pakutanga mai vangu kutaura mashoko akaoma avakanga vakutaura pamusoro pa Melisa uyo wandakakura ndichitamba naye ndichigara naye. Ndinorangarira mumwe musi tiri vana vadiki akandinhonga mubin maiva nemavhunze emoto mandakawira ndichidhonza chimota changu chemawaya.

We had so many memories naye Mwana uyu asi mai vangu vakandiratidza kuti hazvisi hazvo. Ndakatora nguva ndakavatarisa vachiramba kuvhurira Melisa door mushure mekunge vamutuka kuti mbuya vanoroya vakaroya baba va Charity. Ndakapererwa asi semwana mudiki handina kuzvitora panguva idzodzo ndakada kusimuka kuti ndivhure door apinde nekuti kwakanga kwava kumanheru apa mvura ichinaya. Ndakarohwa mbama namhamha ndikawira pasi ndikamuka ndikadonha zve. Melisa ndakamutarisa nepa french door akuvhura gate redu akuenda kumba kwavo. Ndakapererwa. Ndakabuda mututu mumhino ndichisimuka ipapo ndakaenda kutoilet uko kwandakanogeza mututu ndichibva ndananga muroom mangu.

Mazuva aya takanga tichigara zvedu mulocation yeMukoba 5 mu Gweru. Ndakatozobatirwa nehope ndiri pakati pekuchema zvakanga zvaitwa namai vangu. Zvino mangwana makuseni ndakamuka ndokubuda muroom mangu ndikatora towel ndikanogeza since ndakanga ndichida kuenda kuchikoro. Melisa aidzidza pa Government school pamukoba 1 high ini ndakanga ndiri pa Thornhill High school. So kuonana kwedu makuseni kwakanga kusingaite asi ndakati ndabuda pamba driver wangu akabva asvika. Daddy vakanga vakatotenga mota yandaienda nayo kuchikoro everyday asi yaigara na driver. Ndakapinda mumota tichibva tabuda.
"Mike! Eeeh!! Ndakagadzirisa pahuro nekuti ndaida kuti nditaure nyaya yandisina kubvira ndakataura naye Mike mazuva ese andakanga ndichifamba naye as my driver. Ndirikukumbirawo ka kuti uende nekuseri pane munhu wandirikuda kuti titore ipapo tomusiya paMukoba 1 high school tozoenda hedu kuchikoro kwangu. Zvinoita here?
"You are the boss.!" Ndiyo mhinduro yandakapiwa nemukomana ndikaseka ndikati oooh ok saka ndisati ndatombomutenda ndakabva ndaona Melisa achitovhara ka gate kavo akabereka beg. Ndakabva ndatoti Mike mira. Mike ipapo ipapo akatsika mabreaks musikana mota akanga achiiziva achingoiona akabva atomhanya pamota. "Hey wassup Grey Mathews." Akandikwazisa ndichibva ndati pinda mumota tiende ndokusiya kuchikoro... Ipapo ndipo ndipo pandakapara hondo yandisina kubva ndaziva kuti yakanga yabva nepi nekuti mhamha vakabva vasvika. Melisa achida kupinda akabatwa beg nekudhonzerwa panze. Nguva yandakacheuka kumashure ndakaona Toyota Vigo yamhamha yakamira kumashure kwedu. Mbama yakatsemurwa Melisa haina kundipa nguva yekubatanidza asi kungoti kuna Mike simudza mota handei. Mai vangu ndaivatya zvekurevesa zvekuti hakuna akamboona matyiro akadaro. Mike instead yekuenda akasimudza mota pano neapo achibva amira ndokuburuka kwakunobata mhamha vakanga vachirova Melisa senge varikurova Muroyi. Ipapo ndakanzwa kurwadziwa kani ndichiburuka mumota ndakaona mai va Melisa vakamira pagate vachishaya kuti vodii. Ndakanobata mhamha ndokubva Melisa asimuka achitizira kwakanga kuna mai vake asi aimhanya nekudonha zvese ipapo. Mai vaMelisa havana kana zvavakataura asi kungotora mwana wavo kwakunanga kupolice. Ini kana kuchikoro kwaiendeka here nhai veduwee. Ndakadzokera mumba pasina nguva mapurisa akasvika pamba mhamha vakabva vatorwa kwakuendwa navo kupolice. Takapindawo mumota na Mike kwakutevera kupolice kuya.

Takasvika mhamha vakutoregedzwa nekuti vakanga vafonera daddy. Baba vangu vakanga vachityisa zvekurevesa hapana anga asingazive Douglas Mathews muGweru mese umo. Ndakarwadziwa zvangu asi samai ndakanga ndisina zvekuzviita asi kungofonera daddy nekuvaudza zvakanga zvaitika havana zvakawanda zvavakataura asi kungoti. My wife is the Queen and no one dares to touch her. Ndakabatikana ini ndikavira nehasha. Mike akanga ari same same neni pakutsamwa akati. "Asi zveshuwa mapurisa mungasiya mai ava nezvavaita mwana uyu." Mai vangu vakarova zve Mike gwati rekuti mapurisa ese akabata muromo. Mike akazobatwa akuda kurova mhamha. Ipapo ndakanzwa kakufara ndikati nechemumoyo dai wavazvambura mhani. Zvisinei Mike akabva atosungwa nyaya ikachinjiwa kwakunzi arova mai vangu. Ndakati kana zvichinetsa I will be the witness in court kuti arova mai vangu ndakataura mashoko aya ndakashatisa chiso zvekudaro.

Pakabva patovhurwa mabook kwakutonyorwa nyorwa mukomana kwakuvharirwa paya. Ndakazoenda kumba namhamha ndivo vaidriver ini ndaingoti nechemumoyo asi Mwari ka. Zvisinei hazvo takasvika kumba namhamha ndokubva tapinda mumba since taiva tiri 3 chete ini mhamha nemusikana webasa daddy was not there, all my sisters vakanga vari mhiri vari 5 nekuti ndini ndaiva mukomana ndiri one and ndini ndaiva mudiki pavari vese. Takaswera pasina nyaya pakati pangu namhamha. Ndakazobuda pamba around 6 ndokuenda kunotaimira kuti pamwe ndingasangana na Melisa panze asi handina kumuona. Ndakazoita luck rekuona hanzvadzi yake aiva mudiki ndiye akazonditi sisi havasikunzwa zvakanaka vakarara. Ndakadzokera kumba ndokunorara zvangu ndakazodanwa nemusikana webasa ndokumuka ndikananga pamachairs kuti tidye sadza. "Grey pray for us!" Vakadaro mahmaha ndakaramba ndakanyarara. "Hey Grey haunzwe? I said pray for the food." Ndakaseka so ndikati. Mom are you for real after all you did murikutoziva kuti kudenga kuna... Ndisati ndapedza ndakanga ndatariswa neziso ndakazonamata asi mumoyo mangu ndaingoti what is it chabata mai vangu nhai Mwari. Ndakanamata tikadya ndikanorara. Mangwana acho ndipo paitova nenyaya yaMhamha na Mike. Takaenda ku Court hedu since I was the Witness.

Nyaya yakapinda muCourt ndokubva yatongwa mukomana kwakunzi une witness here rinoti hauna kurova Mrs Mathews. Mike ataraisa tarisa zvikanzi nooo handina asi mapurisa anoziva ese akanga aripo kuti ndini ndakatorohwa namai ava. Nyaya yake haina akanzwa since the police was paid for them to be kuside kwamom. Ndakaramba ndakagara zvikanzi. Right une mhosva iwe ye violence. 2 months in prison. Matongerwo aiitwa nyaya yacho wega waitoona kuti apa pakaoma apa. Ndakaramba ndakanyarara and Mike akabva atonzi ngaabude mubox. Ndakatarisa mhamha ndikatarisa Mike ndikatarisa mhamha ndikatarisa zve Mike.

Akabva atovhurirwa door rekubuda mubox kuti achienda kuseri kwaanga achifanirwa kuenda uko ndikasimudza ruoko.

End of this introduction

Commenting gives us strength to write.

God bless you all

Address


Opening Hours

Monday 09:00 - 17:00
Tuesday 09:00 - 17:00
Wednesday 09:00 - 17:00
Thursday 09:00 - 17:00
Friday 09:00 - 17:00
Saturday 09:00 - 17:00
Sunday 09:00 - 17:00

Telephone

+263713553084

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Bs braggnave sikaz book/stories posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Contact The Organization

Send a message to Bs braggnave sikaz book/stories:

Shortcuts

  • Address
  • Telephone
  • Opening Hours
  • Alerts
  • Contact The Organization
  • Claim ownership or report listing
  • Want your organization to be the top-listed Government Service?

Share