01/10/2020
*_MHARE PACHIRINDO_*
WRITTEN BY JC WACHI
CHAPTER 11
Brother Sam pavakaona musikana uya adonha pasi vakatanga kunamata vachitenderera table kuenda kwaari. Yollandah ayiratidza kupera simba mumuviri make zvekuti ayinge asisagone kana kusimudza ruoko. Vakanamata kusvika vaona angoti rabadaa pasi. Nguva iyoyo muOffice mavo makapinda vanhu vakateverana. Munhu ayiva kumberi vaiva Father Chigova avo vaiva vakapfeka mbatya dzavo dzekunamatisa vachiteverwa naSister Mary kumashure kwavo kuine mukomana wekupinda naYollandah.
"What the hell is going on here brother Sam, mavakusevenzesa imba yekushumira kuita kamuri yechipfambi nhai? Moda kunyatsoitasei chaizvo at first makabata Belindah chibharo right now mavakubata mwana wevanhu zvakare apa muchisevenzesa,,,," Father havana kupedza kutaura mashoko avo nekuda kwezvavakawana zvichiitika. Ivo tarisiro yavo nezvavaiva vaudzwa zvakasvikosiyana. Sister Mary vainge vaudzwa nemukomana wekupinda naYollandah kuti pane zvirikuitika muoffice mabrother vanenge varikuita bonde nasomeone. Pavakazowana brother vachinamata apa vakasimudza bible mudenga ndipo pavakati fototo. Zvakavashamisa kuti ko chii chaiva chatora nzvimbo asi hazvinawo kumisa brother kuramba vachinamata.
Vanhu vaiva vapinda mukamuri iyi vakaramba vatarisa kwemaminutes angakwane kuita mana kana mashanu. Mushure mekupedza kunamatira Yollandah vakamuudza kuti asimuke ivo pane zvese zvavaiva vaita vairatidza kuti hapana chavaiziva asi simba ravainzwa ndiro raiita basa. Muchitendero chavo maisava nemasimba ekunamatira munhu achibuda mademon sezvaiva zvaitika apa zvakaita vatange kuzvipa mubvunzo. Vari mundangariro kudaro vakabva vatondera chiitiko chaiva chaitika kuHarare naSister Belindah.
_"Kuti ringave simba raMwari riri kundisevenzesa kudai here kana kuti pane zvimwe zvava kuitika. Ko icho chinangwa chemusikana uyu changa chiri chekunamatiriwa here kana kuti atobva akaronga zvanga zviri kuitika? Ko mukomana uyu azonodaidza vanhu kuti ndiri kurara naYolla