Misodzi Yenhereranovel

Misodzi Yenhereranovel Only novels written by B. M MAFUKIDZE

Ch 1-5[17/02, 21:41] null: https://whatsapp.com/channel/0029VaY55XDJP20wYuuAml2zENEMIES TO LOVERSCollaboration by Nita c...
21/02/2026

Ch 1-5

[17/02, 21:41] null: https://whatsapp.com/channel/0029VaY55XDJP20wYuuAml2z

ENEMIES TO LOVERS

Collaboration by

Nita chihelele
+263 78 036 8492

And

B.M Mafukidze ( Mhofukadzi)
+ 263772999520
+ 260775957508

*FREE BOOK PLZ SHARE*

Ch 1

" Mudhara mukubatanidza dzipiko mudehenya renyu iro. Chinguri ndabvira kukudedza usiri kundinzwa", anodaro Isaac achizunungutsa sahwira wake Fungai uyo aive kutsi kwendangariro. Huropi hwake hwaive hwava nenguva chaizvo huchipishina chinangwa chiri pakutsvaga icho chaiita kuti vazhinji vapikisane naye pakufambidzana kwaaiita nemusikana wake Tendai. Pana Tendai mwanakomana aive akaperera uye ainzwa ropa rake richimhanya nemativi ose kana aine mudiwa wake pedyo uye ndiyezve oga musikana aiita kuti hana yemukomana irove nerudo nguva dzose. Vaviri vaive vasina nguva yakanyanyoreba vatanga kufambidzana asi aivaona ungati vakazvarwa vose ari mapatya. Vaiwirirana zvisina ani akamboona uye rudo rwavo rwaive rwozivikanwa nevazhinji vachiyemura kunze kwemhuri mbiri dzaibva vaviri ava. Kana vari vabereki vaFungai vaisatomboda kunzwa kana kuona Tendai pedyo nemusha wavo asi aive mwana aive asina chipomerwa kana nani wepamusha apa izvo zvaishungurudza Fungai kuti saka daka racho raibva payi uye vaizomutambira zvaita sei nekuti kumira kuda musikana wake ndiko kwaaive akatsidza kusazoita.

" Haungambozvinzwisisi bhururu, nyika yakatakura kurema iyi yobva yaremedza isu mhodzi dzayo zvakare", anopondura shamwari yake achipukuta kumeso kwake nemaoko uko kwaive kwakazara dikita ungati munhu aimhanya. Kunze kwaive nemakore kamhepo kachifefetera asi zvakadaro mukomana aive muneyake ega nyika iyo yaaiona zvake ega achidzungudza musoro.

" chanyanyokunetsa chiiko nhai Fungai zvawabva wadikitira kunge murwere kuri kutonhora kudai. Asi urikurwara kani?", asked Isaac achitaridza kushushikana achiona mumwe wake in that state.

" dai ndiri kurwara nechirwere chandinoziva pamwe ndaiti ndotsvaka medication zvino apa chacho chikurwadza hachina murapi". He said while failing kunyatsotaura chaicho chaimunetsa izvo zvakaonekwa nabhururu wacho kuti mumwe wake aida kutamba nemadimikira asika nguva yekutanga kupishana nedzake pfungwa kuti atsvage chainetsa munhu waaive akatarisana naye ndiyo yaaive asina. " Haaa wangu miswa iwewe, pane chirwere chakamboshairwa cure here kana zvanetsa toenda kwaKatiyo, taura pane nyaya yako". Fungai akakaruka aseka paakanzwa zvekuenda kwakaKatiyo arangarira nhoroondo yemurume wacho uyo aizviti anosvikirwa.

"haaa wangu of all the Places kwaKatiyo ndiko kwawaona kunoita manje", akabvunza asicheka and Isaac joined in sezvo murume wacho aive wemadrama. "Katiyo bho manje haapererwe muchinda uya, tikangoenda nekatiyo kedu dambudziko rako rinobva ratopera",akadaro Isaac achiita seachatyoka mbabvu nekuseka. Ko zita rekuti Katiyo raive zitaumbiridzwa iro raive rakamuka kubva mumashandiro aaiita. Wese aienda kwaari achida kunobatsirwa ainzi auye nekanhiyo kehuku hanzi kekusuma varikumhepo kuti vasvike panzvimbo and through this aive ava nehuku dzakawandisa pamusha pake. Huku chete ndochipfuyo chaaive nacho pamba pake no mbudzi or hanga kana mombe zvaiita kuti vamwe vafunge kuti dzimu raaiti aive naro hwaive hurombwa.

"aiwa kana zvakadaro rega ndigare nedambudziko rangu. Iko ndakanzwa kuti nezuro kwaive kwakazaraka kumba kwake nemota mbishi dzoga". "haaa vanhu nekuda mari ukuti vanombozvitsvaga here. Hezvo atoita mari Katiyo sekutamba sekuseka isu tichimushora pano", anodaro Isaac achitaridza ruchiva pachiso chake. " aiwa mari dzakadaro inini kwete rega nditambure hangu ndakadai".. Isaac aive abudirira pakuisa nyemwerero pachiso cheshamwari yake and aive atombotirimutsa pfungwa dzake Fungai dzakufunga zvimwe asi Isaac haana kukwanisa kusiya nyaya yacho yakadaro sezvo aida kuziva chainetsa nekudya mumwe wake. " zviriko wani, chindiudza chikukunetsa chiii wangu", asked Isaac.

" Aaaaa chingava chiii kunze kwe same old story iyoyo", anopindura achitaridza kuti whatever zvaaida kutaura zvaimurwadza. " Old story ipi, nyaya yaTendai here?", anobvunza Isaac achida kunzwisisa. " Haaa it's getting worse wangu, the hatred and despise, havasi havo kudzora tsvimbo or kunyepera kunzwisisa. Can you believe kule Alec vekuHarare vauya futi vakaipopotera nyaya iyoyo pavanzwa kuti ndikufambidzana maTendai. Unoziva chiri kundinetsaka is why is everyone so against our relationship. Ambonyanyoita seiko Tendai avengwa nemumhu wese. Ndiudzewo Isaac sezvo zvichinzi rudo ibofu pamwe pane pandisiri kuonera mumwe wangu ndiudzewo", he said looking so troubled zvekuti anyone could see kuti mumoyo make mune hondo and chainetsa Isaac aive asisazivewo zvekuudza bhururu wake nekuti nyaya iyi kaisave kekutanga kutaura nezvayo. Anombotsikitsira pasi seanotsvaka mashoko ekutaura muvhu kwakutura befu.

"Honestly neniwo handichatozvinzwisisewo zvinhu zvacho ini. Pakutanga vaive muchembere paya tikangoti ndiho hunhu hwavo ana momz kuvenga varoora vanenge vaine wavo wavanenge vachida but now that zvakutandavira kumhuri yese manje its now confusing. Ini pachangu ndakatarisa Tendai l don't see anything wrong with her even tsika nehunhu pamusha. Vazhinji vanoshuvira kuti mwana uya aite muroora wekumba kwavo chero muno munharaunda haana an bad record so ini kuti ndichinyatsonzwisisawo kuti zvikufamba sei ndingakunyepere. Ivo pavari kuramba ukumbovabvunzawo chikonzero here kuti chii chavanoona or chavakanzwa chingaite kuti vamuvenge kudaro", Isaac said with concern written all over his face.

" hapana chine musoro chavanotaura ava Isaac l tried countless times kubvunza but unongonzwa vachiti hazviite chete. Saka manje ndoteerera izvozvo here wangu. Unoziva vakuda kundiisa pfungwa dzisidzo kumitisa mwana uya ndongomutora by ginde".

"izvozvo hangu handione zvichibuda Fungai because don't forget mwana watiri kutaura nezvake uyu achiri under age. Hongu mutumbi nechimiro aripo but don't forget the law is always the law. The best you can do l think gara nemhuri yekwenyu pasi zvakanaka unyatsonzwa kuti chiii chikutora nzvimbo nekuti im sure there's no way mhuri yese paingangovenga munhu asati apinda mumusha mavo kuti kwaitei. I think there's something hidden ini pakuita kwavo better ask first ". Fungai anomanzwa mashoko aya asi anomarasira kuseri kweuropi hwake sezvo aipikisana nazvo. Kutaura nemhuri yake aiona kuri kutambisa nguva sezvo aiziva kuti hapana chipenyu chaizobuda pazviri. Muhurukuro yaaita nemhuri yake kumash**e uko aive akanyatsoona kuti hapana zvaaimbokwanisa kuita kuchinja pfungwa dzevanhu ava sezvo ruvengo rwacho rwaitaridza kuva rwakadzika uye rwaisave rwemupfungwa chete asi zvese nemoyo uye izvi aive azviona kwavari vose. Akamboda kubvumirana nemashoko eshamwari yake kuti panofanirwa paive nezvaive zviripo chete zvakavanzika zvaaisaziva asika kuti aswerotsvagana nazvo aiona kuri kutambisa nguva. Dai zvaive zvakakosha vangadai vakamuudza kare zvino kunyarara it meant hwaingovewo hutsinye hwavaida kumuitira.

"hameno wangu ndangoti upafungewo nekuti ini pachangu ndikuona zvisiri zvega. I know mwana unomuda but chimboisa rudo paside umbotanga wafambira nyaya idzi first", anodaro Isaac mush**e mekunge aona mumwe wake angoti ziii akafunga kuti pamwe aizeya zvaaive amuudza but mukomana aive atovawo nedzake dzaairongawo izvo zvakaita kuti avhunduke paakataura achifunga kuti zvimwe angadai aonerwa zvaive mupfungwa dzake. "Haaa ndakunzwa iwewe unenge une plan rega ndimboifambira nyaya yacho", akadero Fungai not kuti airevesa but aisangoda kuti arambe opikisana nemumwe wake nekuti aive atoona kuti Isaac aive atopandukawo panyaya dzacho. Zvekuudzwa kuti kuti ambomira kudanana nemusikana wake or kumbomusiya ndizvo zvaaisada kunzwa hake. Aive akapindana nepfumvu inozovikanwa nekunzwisisa naiye muridzi kuti azodiwa nemwana uyu so throwing away everything was a big no for him. Pfungwa yekumitisa ndiyo yega yaive yorira mupfungwa dzake and that was the only option yaaiona yaigona kumushandira, zvekuti havamude or kuti iunder age izvo aizozviona nguva yacho yakwana.

" its ok wangu rega ndimboti dhaaa paden ndinoona kuti zvakamira sei vapfanha ava vasati vaita zvemusoro wavo wakavhurira mombe, nguva ino unobatwa paparts mombe dzako dzikaonekwa mumunda wemunhu apa vanhu vacho vakati vakushamwaridzana nezvitokoroshi hazvichatyise", he said achiseka but airevesa panyaya dzekushinha apa dunhu ravo raive ratora mukombe.

"iribho ndokubata rega ini ndimbodzika kurukova pamwe ndingangoone mwana kekupedzisira ndisati ndafambira dzekwangu idzi", akataura achitoonekana nemumwe wake kwakutendeuka odzika neroad. Ndiyo nguva yaaiwanzosangana nemudiwa wake achibva kumvura vaviri vombosasana nekuyemerana zvavo asi musi uyu he had other plans. He knew mumwe wake aisazobvumirira nazvo but he didn't care he just wanted to mark his territory. Tendai was just sixteen turning seventeen in the next months to come but nekuda kwemuviri waaive naye one could think she was over eighteen years. Aive nehumhumhu wakati kuti uye chimiro aive akapiwa nyadenga achida asina kwaaimhanyira nekuti chipfuva chose chaive chatumbukira nekuumbwa zvakanaka zvimwezvo nekuseri kubva kuchitsitsinho kunobata chiuno ungati ikotapeya chimiro chacho. Fungai aive azvipira zuva iri kuita zvaaive asina kumbofungira kuti angaita.

End of chapter

Vana Mhofukadzi loves you all🄰
[18/02, 14:20] null: https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K

https://chat.whatsapp.com/EjGbOp2on7rFO4RbpucKoE?mode=gi_t

ENEMIES TO LOVERS

Collaboration by

Nita chihelele
263780368492
263710554015

And

B.M Mafukidze ( Mhofukadzi)
+ 263772999520
+ 260775957508

Ch 2

Fungai

Ndakapesana naIsaac ndazvipira kuti ndaida kunomora huchi hwegonera pamwana asi kakutya kaimboita kachindibata. Ndaizvibvunza mibvunzo yakawanda mumusoro mangu but imwe yacho ndaingoerekana ndazvipindura ndega. Munoziva pane pamwe pekuti unenge uchinzwa hana yako ichikurambira kuita chinhu but pfungwa dzichipikisawo nekuside. Asi zvino mukukura kwedu handizive kuti ndingati mutemo here or ibelief kuti ukada kuita chinhu hana ikarova siya nekuti unenge watoudzwa nevadzimu vako kuti siya. Zvino apa zvacho zvandainzi ndisiye manje ndizvo zvairema nekuti kubvuma kuterera hana it meant kuti nevadzimu vacho vaisatodawo kuti ndive nemudiwa wangu izvo zvandaisada so l was going to fight in any way possible. Imwe pfungwa yaimbondibata yaive yekuti kunyangwe ndikamutizisa Tendai wacho vakangoramba vakatsika madziro nekusamuda ndaizoita sei naye mwana wevanhu nekuti panguva ino handisati ndakushanda. Hongu bvunzo dzese "O" ne "A" level ndaive ndakapasa kunyangwe ndakazoshaya mari yekuenderera mberi asi mabhi akakarorehwa nevakuru ndaive ndakamedza. Kana pachikoro pandaidzidza vaitoziva kuti Fungai Mupondiwa anoponda chikoro sezita rake.

Kutsvaga mabasa kumadhorobha ikoko ndaimbozama nekutumirawo maCV angu kuhama neshamwari kuti vandikandirewo muma company imomo ndichiti zvimwe pada paizowana chimuko asi hapana ratove gore retatu ndingori pamba ndapedza kunyora. Hongu semunhurume hauzobvumewo hako defeat wogara pamba aiwa. Unombonyeperawo kubata bata kuti uwane kekuisa muhomwe uye kuti upfeke. Zvino ukaona urimukomana abva zera asi uchiri kungotarisira zvese kuvabereki ziva kuti une dambudziko. Hongu ndaimbozama hangu kutsvaga tsvaga tumabhindauko asi zvekuti nditi zvaitondipa mari zvekuti ndikanzi nevabereki chibva pano ndingatokwanise kurarama nemwana wevanhu dzaitove nhema chaidzo. Ndainge ndisati ndasimba zvekudaro izvo zvaiita kuti ndimbofunga kaviri pahurongwa hwangu uhu.

Ndakasvika pandinosigaririra mwana pfungwa dzichingopishana chete not knowing what to do exactly. Ndainzwa kupindwa nechando nezvandaida kuita uye kurega kwacho ndoruza musikana wangu ndaitonzwa sendanyikwa mumagodo echando zvese zvaindivhundutsa. Akasvika pakuuya Tendai akachena mwana wevanhu semazuva ose. Kwete kuchena kwefashani aiwa, kungoshambidzika semunhu wemukadzi so. Kumba kwavo vaisawana zvekudaro but hameno why ndaingoona kunge anopfeka zvakasara kudarika vamwe. Hongu hembe dzaanenge akapfeka dzinenge dzakachena kutaridza kuti pamusha peutsanana asi wega unenge uchiona kuti hembe yapera muto iyi. Asi izvozvo zvaisavanza chimiro chaive mukati memarengenya iwayo. Chaive chigagairwa chemwana chakasvika sechibage chepachuru. Achifamba waifunga kuti nyika irikudengenyeka zviri zviro zvemwana zvaibvuma kufaranuka hazvo asi aizozama kufamba akadzikamira zvake ndofunga aitozviziva nekunzwisisa kuti muviri wake waive muyedzo kuvanhurume. Hapana murume aidarika asingacheuke chivakash**e chemwana akasarwera rute. Seni ipapa ndaive ndangoringa ndakavhura mukanwa kana iri nhunzi yaitopinda ikaita mazai ayo imomo ikaenda. Rute rwakatozodonha paruoko rwangu ndirwo rwakandibvisa kutsi kwendangariro ndanzwa kakutonhorera.

" nhai Shumba mukazoita kunge maona nyama yakasasikwa kudaro kurwera rute bho here", anodaro mwanasikana asvika pandiri mudiwa wake nenyemwerero yaikwezva chero navatezvara dai vari p**o. Aive nenyemwerero yaiyevedza ndoda neitwo twukomba twaaive natwo mumatama waitofunga kuti zvimwe pada musiki akambodhokonya achida kuona kuti chiumbwa chake chaoma here. Mazimo ake aive akati ngwee kuchena izvo zvainofitana neruvara rwekaganda kwake rwaive rwakasvibirira ungati azora matsito akasanganiswa necooking oil nekuvaima kwaiita mwana. Raive black born rino rakasvika zvekuti pese pese pandaifamba or kufunga nezvemusikana wangu ndaiyerekana ndazvirova dundundu.

"Babe you know very well kuti pese pandinokuona pfungwa dzangu dzinotombodhanganyika chete. Wakasikirwa inini chete mwana iwewe, ndiwe wega wandinenge ndichingoona mumaziso angu",l said mashoko erudo trying to melt my woman's heart and it worked nekuti akaita kushaya pekupinda mwana wevanhu. Akanyaririra mwana wevanhu achisvikozvirasirira mumaoko angu kuvanza chiso nediti rangu iro raivepowo. Paisava nezvitsva pakumbundirana kwetakaita apa but mwana wekwaMupondiwa akanzwa zvake ega kunzwa kunge moyo unopamba ropa rake waive waita mudiki nekuti waive wowandirwa neropa rekugaya. Handizive kuti zvaive zvawedzerwa nekufunga kwangu here asi ndakanzwa muviri wese uchigwinhwa nemagetsi panoti inini pacho pakanosimudza mureza zvine ukasha ndikaona achivhunduka kutaridza kuti aive azvinzwawo. Kakuvhunduka kakaita muviri wake ikako kakandipa manyemwe ekuti ndimuname nekiss pamuromo chaipo. Akambotanga akasunga muviri sezvo izvi zvaive zvitsva kwaari, l had not kissed her pamuromo kubva zvandaive ndakatanga kudanana naye. I would only kiss her cheeks or forehead even zvekubatana izvi ndaingogumira mumahug mukumbundirana imomo not zvandaive ndoita apa.

"Shumba mirai izvozvo mhani", she said after ndaita kakumutsukunyura but chaasina kuziva kuti kundideedza kwaaiita nemutupo nekavoice kakatetepera kudaro aitondiwedzera zenzeve.
"im sorry but l really want to have you now", ndakazevezera munzeve dzake ndikaona mwana wevanhu omerera ndikati henaro Shumba basa iro. Ndikati nditsanangure what really happened ndingatoreva nhema nekuti chaive choshanda panguva iyi handisini but its like ndaive ndatopfekwa chaiko. I could hear Tendai telling me to stop but ndaizvinzwira kure chikara chaive chandigara chiri pabasa. All l recall kuzobengenuka ndakazara ropa pabottom randaive ndakapfeka uku Tendai achipfikura that's when pfungwa dzangu padzakatanga kushanda. I cursed myself recalling zvandaive ndaudzwa naIsaac nezvaive zvaitika ndikanzwa kupindwa nechando. Ndaive ndongozvibvunza kuti ndaive ndaitei asi yaive yatodeuka kare. Kufunga kuti kapfungwa kese kaya kekuti ndozozviona ndapedza kaive katirimuka kandisiya pamhene.

"Tendy babe im sorry, I really don't know ", i said misodzi yajenga maziso angu but wacho wandaitaura naye aive afuta neukasha akangosimuka nekukamhinha ikoko kwakuzvipukuta. Akabvisa zambiya raaive akaita dhuku kwakumonera ini ndaive ndakangogara pasi ndakatsigira musoro neruoko urwo rwaive rwakajegerawo pabvi rangu. Ndainzwa kupera simba even rekumumisa paakafamba kuenda ndakarishaya. Ndakamboita nguva ndiripo ndakaringa ropa raive pasi iro randakazofushira ndini. Ropa iroro was enough to mess with my head kuti ndinyatsonzwa kuti ndaive ndisiri munhu akati svikiti but wekupumha ndipo paive pasina. Iyi ndiyo inonzi ndomene manje and l had to man up since there was no turning back. Apa Tendai wacho aive angoenda asina chaaive ataura ndaisaziva kuti aive akufungei. Ndakazosimuka paya after about twenty to thirty minutes ndakangogara kwakunanga kumba uko kwandakanosvika amai vakaita kugara pachigubhu vari pamusiwo kagumbo kachitambisirirwa ndikaziva kuti aive akamirirwa ndini.

Vakangoti vachindiona vakabva vatosimuka pasi pavaive vakagara kwakufamba kuuya direction yandaibva nayo vachiita kuvhura nhanho zvemunhu anonokerwa chaizvo. Pane dzimwe nguva ndingadai ndakatya or kutotizira kumash**e kudududza chaiko nekuti masungiro avaive vakaita face muchembere aitovhundutsa kana dhiyabhorosi pachake but l didn't allow myself to be shaken by anything especially panguva iyi. " Fungai urikubvepi nguva dzino?", vakangoukanda mubvunzo without greeting anyone pavakasvika ndikaona kule votora vamukoma kupinda navo mumba vana kupinda navo mumba obviously giving us space to talk.

" The last time I checked I wasn't a child who could be monitored by anyone", ndakapindura ndakanyatsovatarisa kumeso chaiko showing her l wasn't afraid even though l was really shaking inside. " usanditaurire chirungu chisina basa, usakanganwe kuti ndiri mai vako ini ndakakutakura umu mangu umu", vakadaro vachirova rova dumbu ravo nemaoko avo ese. "Usati zvawaona wabuda bvudzi kwese kwese ukati...." havana kupedza kutaura ndakangoona vounyanisa face yavo vachitarisa pamberi pangu zvakaitika kuti nditarisewo kwakuona ropa riya, ko ndaive ndazokanganwa seikowo zvinhu zvakadaro. Vaiti vakanditarisa kumeso vodzikisa meso avo kuenda kuzasi like trying to understand something in a different way not yavainzwisisa nayo.

"nhai Fungai mwanangu waitei", she asked nevoice raive rasisina uturu sehwepakutanga. She sounded like someone defeated ndikatozvishaya kuti kupopota kwese kwaive kwaendepi.

End of chapter

Vana Mhofukadzi loves you all🄰
[18/02, 20:13] null: Follow the B. M Mhofukadzi novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaY55XDJP20wYuuAml2z

https://chat.whatsapp.com/Bdkz0MhDWI5G3awBLp7Dx6?mode=gi_t

ENEMIES TO LOVERS

Collaboration by

Nita chihelele
263780368492
263710554015

And

B.M Mafukidze ( Mhofukadzi)
+ 263772999520
+ 260775957508

*FREE BOOK PLZ SHARE*

Ch 3

Fungai.

Mutarisiro wavo wakaita nditadze kugadzikana kudzamara ndavati," what mama?" Ndakadaro ndichibhedhenura pacho paive nestain yeropa? Ndaive ndatoronga kutozviita munhu asiri kutozivawo nekuti ndaitotyira kuti pamwe vatobatanidza zvingange zvaitika.
Instead she responded calmly nearly in tears hanzi, " nhai Fungai mwanangu waitei? Wanga uchirwa naniko?" Pavakadaro pfungwa dzangu dzakabva dzatodzikama. Ndaive ndafunga kuti zvimwe vaive vatobatanidza yandaiva ndatamba, izvo kwani dzavo pfungwa dzaive dzatomhanyira mukurwa. Ndakaseka seka zvekunyepedzera ndokuti, " haa mama amana ka? Asi ndirimunhu anoda zvekurwa stereki here?" Ndikanzi, " taura mwanawee ndiyani wawakuvadza kudaro? Mazuvano kune mweya urikutenderera muvanhu vanhu varikupondana. Pamwe pacho unorova usiri kuda kuuraya. Asi nemweya iyoyi irikutenderera munhu otokufira."
"Haa relax muchembere, ndambobuda mututu masikati. " Ndakaona chiso chavo chanyevenuka vakabata hana yavo vachitura mafemo hanzi, " iih ndanga ndatya plus nekunonoka kuuya kwako ikoku." Vakazoenderera mberi vadzikamira hanzi, " Fungai unoda nditaure ndimire payi chaizvo nhai mwanangu nenyaya yako yekufamba husiku?"
"Mama nhasi kungoti ndazoperekedza Isaac kumhiri kwaanga atumwa namudhara wake." I lied vakati, " chero zvakadaro asi munhu ndeanotaura wo zve kuti veduwe ndaenda kwakati. Phone unayo ende airtime iwe unogara unayo. "
"I'm sorry mama, " ndakazodaro nyaya ichibva yatopera. Kwavakunanga kugota kwedu kwaive kwananga mukoma Farai nakule. Kule yaive last born yakwana mama aigara nesu achichengetwa namama. Isu vana vamama taingove vakomana vaviri chete. Mudhara wedu aive ava ne 3 years ashaya.
Kule ndidzo dzaksbva dzatondigamha ndichiri kudoor hanzi, " mafanas ungavhare moms vsko not isu. Tirivanhu vakuru and tinoziva kuti ropa iro rabvepi. " Ndakabva ndatoziva kuti vanhu vaive vakatoteerera kutaura kwedu namama. I rudely responded ndichiti, " garai naizvozvo zvamunoziva kule its not like ndakubvunzai ka." Vese vakabva vatoseka kule ndokuti," Fatso handina here kukuudza kuti mfanha uyu kunonoka kusvika kudai he's up to no good. Tatoona chibabe chako chichikwidza chichiita kugamhina. Saka pazotaurwa zveropa ndabva ndatoziva zvaitika. " ndakarasa rasa maoko ndichiti," Mukanya nyaya ndiyo yamusitorina zvenyu." I said trying to appear strong. Kule ndokuti, " manje mukamitisana nemwana uya pano panganetsa kugara." Ndakangoridza tsamwa ndavakuita zve phone yangu. Kule vaikenererana zvisingaite namukoma Fatso. Usingazive waitoti vanozvarwa vese, plus vaive vasina kunyanya kusiyana pamakore namukoma Farai.
Mukoma Farai ndokuti, " Mukanya mfanha angatopadzingwa pano nava Soko. "
"Kudzingirwa chii? I asked ndichitobhoekana kule ndokuti, " chibabe chako panapa hachidiwe mfaname wakanganwa. Kuzoti kumitisana mungatovharirwa mumuti wemuyu mopisirwamo." Vakamboita sevaida kutaura something kule kwavakuzoti, " mmmh regai ndinyarare zvangu muzukuru wangu anozofunga kuti ndinoporofita." Ndikati, " kuporofita kwekudii ko Mukanya?" Vachibva vati, " mweya mutsvene wandiratidza muranda rume nemurandakadzi vachikururana mabhurugwa kubani uko. Murandakadzi ange akapfeka nduwe chena. Asi nekuda kwekusawachwa ichichena. Yava creamish or nditi yava off white. Zvisirizvo munoramba Shumba handiti ka?" Ndakaridza tsamwa ndokuti, " kule bvumaiwo kunyarwa neni manzwa ka?" Vakaseka hanzi, " ndati unodaira uchiti hongu or kwete chete mfanha. Unorambei ko kuti ndinooneswa? Manje ndinotooneswa kupfuura Katiyo wenyu wamapfumisa nehuku achikudhomokerai."
Handina kuzokwanisa kuvadaira ndadeedzerwa sadza namama. Ndini ndaitora sadza semfanha ndovigira vakuru vangu. Ndakaenda kukitchen ndichida kutora plate yeusavi. Ndikanzi namama, " nhaiwe Fungai ko kuchinja hembe yako ineropa iyo hanzii ko? "
"Ndochinja mama," I said kwavakutakura ndiro yeusavi ndikanzi, " unotangireyi ko nendiro yemuriwo? Handiti unotanga nemvura yekugeza maoko?" Ndikati, " zvitori bho kutanga neusavi . Mama ndikatanga nedish remvura vanobva vatogeza maoko. Pandinozoenda nendiro yesadza vanenge vatotanga kutodya. Zvekuti handimbovabati pakunhokora misuva ." Vakaridza tsamwa hanzi, " imi wo kuzoita sekunge pamba penzara pano. Chero vakakutangira kunokora sadza racho haugute here nhai Fungai?" Ndikati, " vachinokorerei ndisati ndagara pasi?" Vakangoti," ende zvakakuomerai."
Pandakasvika neplate yeusavi vakaseka vakomana hanzi nakule," mfanha iwewe uisiye tsika yekutanga kuuya neusavi mhani. Dai watanga mvura handiti dai tatosana kugeza."
"Kana zvirizvo zvamunoda munozvitorera sadza racho. "
Taiti tikati gare gare Sekuru voseka zvavo. Zvakazoita kuti ndimbofunga kuti pamwe vaive vationa naTendai. Vakazoti tapedza kudya ndaive ndatokurura t-shirt iya ndaisa uko. Vachibva vasumuka kwavakuibhedhenura pacho paive neropa ndokuseka hanzi, " ndidhomoke here boys rangu?"
Mukomana Farai ndokuti, " dhomokai kule haisi pressure. " kule kwavakutarisa ini ndokuti, " watii Fungai? Dairawo zve." Ndichibva ndatoramba ndichienderera nekudya. Sekuru vangu ivavo waiti kana unemoyo mutete waiswera uchichema chete.
Vakabva vati," anyways rega nditaure zvangu. Fatso muzukuru wangu just count from today. Uchaona Tendai achiuya pano kumberi uko azvimbirwa. Aah ndinodziziva ka maths dzacho dzeropa pahembe especially paraendera ropa racho apo ndonyatsopaziva. Aah isu ka basa redu nderekuvhura chete. Ini so far ndine 5 vasikana, " vakadaro vachisumudza zvigunwe 5 mudenga hanzi, " vashanu paChishona vandakadhaura , kuvhurira matununu. Vanozongopedzesa vega ndavabayira ndini. " Hana yakati taa ndikati, " kule handitambi nemi ini. Tambai naFatso wenyu." Vachibva vakandira t-shirt iya pasi ndokuti, " mwana wasisi vangu handipo pakutamba manje apa. Ndirikuda kukupa matips kuti Tendai asazouye panapa avakuchema kuti azvimbirwa. Mashandiseyi? Pane withdrawal iyo ndeyekurasira mbeu kunze mfaname but haidi ma amateur semi so. But I doubt kuti mashandisa method iyoyo since wamuvhura nhasi. Kunemapiritsi anonzi mamorning after. Ukamhanya pashowgrounds apa pane pharmacy unomawana. But zvine nguva ukanonoka aah zvinoshata."
Ndakaridza tsamwa ndichidumuka nemaplates sezvo ndiri ini ndaive ndasarira pakudya. Farai achibva adeedzera hanzi, " uuye nemvura yekwana Fungi."
"Haugone kutora wega here?!" I shouted ndichinopinda mukitchen mandakanzi namama, "Kudaira rudzii mukoma wako nhaiwe Fungai iye achikukumbira zvakanaka?"
"Ndavaendesera chikafu, ndivaendesera zvese nemvura here amana? Aah ngavambosumukawo ." I said ndichitosiya maplates nekutobuda. Ndaida kukasika kurara. Kwavakuona matorch aivheneka from afar. But aiita kunge aiuya kumba kwedu. Ndakatomboshaya kuti ndiyani. Kwavakuranba ndimire paye. Vanhu vacho vaitonzwikwa kutaura. Vaitaurira padenga denga zvakaita ndibate voice rabamnini vaTendai. Hana yangu ichibva yatanga kungorova. In fact yaive yagara isina kugadzikana nezvandaive ndamuita. Ende torch yavo yaitouya pamba pekwedu. Ndakatanga kunzwa mabvi angu achiita kudedera. Kule naFarai vakabva vatobudawo mugota medu. Kule ndokuti, " ko zvavanenge vaMudavanhu varikupopota chiuya pano?" I couldn't open my mouth kuti nditaure. Imwe pfungwa yakambonditi rova bara wakaenda. But my legs couldn't carry me. Vakabva vatosvika pachivanze vasiri kumboita tisvikewo vachiti, " imi mai Farai aripi nhubu?!" Mama kwakubuda mukitchen mavo vachiratidza kupererwa.

End of chapter

Vana Mhofukadzi loves you all🄰
[19/02, 12:45] null: https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K

https://chat.whatsapp.com/EjGbOp2on7rFO4RbpucKoE?mode=gi_t

ENEMIES TO LOVERS

Collaboration by

Nita chihelele
263780368492
263710554015

And

B.M Mafukidze ( Mhofukadzi)
+ 263772999520
+ 260775957508

FREE BOOK PLZ SHARE

CH 4

Tendai.

Ndaifambiswa apa ndichinzwa kurwadziwa nezvandaiva ndaitwa naFungai. Ndaive ndisina chishuvo chekuzvitaura kumba asi Ndaive ndaonekwa nemunin'ina wangu kuti ndirikugamhina. Moyo wangu waive wagara uchitorwadza nechekare nezvandaiva ndaitwa saka mama pavakandibvunza nevoice rinehukasha yakabva yangoti mokoto-mokoto misodzi. Ndipo pavakandipina nemibvunzo. I ended up telling her what really happened.
Handina kuziva kuti ndatoisa mumwe wangu pakaoma nekuti vakabva vatotanga kupenga. Kukanodeedzwa bamnini vangu . Ivavo vaitonzi ndi no nonsense nekuti vaibhurazve. Ndakarohwa nechitirobho nabamnini kunge ndini ndaive ndatadza. Vapedza kundirova ndikapinzwa nzira takananga kumba kwaana Fungai. Apa vagoti vaimuvenga sei. Mama vaigara vakanditi ndisiyane nevanhu vekwa Mupondiwa but ndaimuda munhu wangu. Ndakarukwa nacho chitirobho ndikaitungamira nzira yekwana Fungai. Patakasvika vakasvikira kupopota chete pamba pevanhu. I was hoping kuti chacho chavaivengera vanhu vekwa Mupondiwa ndichizivewo musi iwoyo.
Vakabudawo mai vaFungai vakabata chiuno ndokuti, " hunhu rudzii ihwohwo hwekusvika pamba pangu muchipaumba kudai? Kumwe kushayawo respect kwacho kunozonyanya. Murikudherera ka kuti pamba pechirikadzi?"
"Musachename musati manzwa mabasa emwana wenyu. Abhinya mwana wangu arikutadza chero kufamba zvako! Ndipo pomondiudza zvekusvika ndakadzikama manje?"
Vakaita kakuvhunduka mai vaFungai. Mama ndokuti, " usade kundibhowa iwe Esther! Mwana wako ndiwe here urikumutuma? Gore riya mwana wasisi vako nehunzenza hwake akanyepera mwana watete vangu kuti amu r***r. Ndiwe ka waifambira mberi kuti tiripe. Dzakabuda mombe 5 dzinotsika tichiripa h**e zvaro raive rapedzwa nenyika. Zvino urikutii neyakoromorwa nemwana wako nhasi? Manje ndirikuda kutoripwa!" Ndakabva ndatoziva kuti ndizvo zvaiita vavengane kudaro. Ndakaona Fungai angomira apusa. Zvekuti chero paakapihwa ziso namai vake akaramba akatsikitsira. Chero ini haana kutombondicheuka. Paive nasekuru vake hanzvadzi yamai vake yavaigara nayo, kozoita mukoma wake Farai ndivo vanhu vaitonditarisa ivavo.
Mai Fungai vakazotaura vaita kakudzikamisa voice ndokuti, " Nokutenda wavakungosanganisa hako nyaya ap...." vakadimbudzirwa namama ndokunzi, " handisi kumbosanganisa nyaya. Ndirikutotaura chokwadi kuti wakagara wakaimaka mhuri yekwedu. Shuwa kuripisa munhu achiripira zijoki zvaro raive rapedza nyika. Kudhara uchitoda zvekuputsa musha wangu. Waichiva hupenyu hwangu iwewe kubvira kare. Ndiwe waifambira mberi uchifurira hama dzako kuti vanemombe ngavaripe. Uchingosa kutipfidzisa iyezvi wavakutuma bhinya rako kuti rizokanganisa ka life yemwana wangu "
Vakataura vakazvininipisa mai Fungai hanzi, " veduwe ndingazive here zvinenge zvichiitwa nevana? Ndingatuma mwana kunoita chinhu chakadaro here?" Vakanzi namama, " saka isu tisu here taive tatuma mwana?"
Vakabva vacheuka Fungai wavo kwavakuti, " ndizvo here zvawaita nhai Fungai?"
He only nodded his head still facing down. Vakangotura mafemo zvekupererwa chaiko ndokuti, " mwanangu wanga wapindwa neyi chaizvo?" Akaramba ari zii bamnini ndokuti," tirikuda mombe 10 dzinotsika kubatwa kwaitwa mwana wedu. " mama ndokuwedzera vachiti, "ijeri ka iri, mutotenda kuti takunzwirai tsitsi sevavakidzani. Tirivamwe dai tatonanga kumapurisa." Mai Fungai ndokuti, " asi vana ava ka vanga vachidanana. Vabvumirana." Mama chuckled ndokuti, " ende wakatofumuka chaiko Esther. Kutoziva kuti vatenderana asi muno discusser nemwana wako?" Vakangotura mafemo vachiratidza kutopererwa. Pakuti ndizvinzwire tsitsi ndaive ndavakutonzwira mai Fungai. Sekuru vaFungai ndivo vakazotaura hanzi, " pasina kuti kudiscusser Fungai naTendai vanodanana zvinoziikanwa nenyika yese iyi. Hapana kuripwa or police yamuri kutaura. Handiti pachivanhu mwana kana achinge aitwa izvi nemukomana wake munongomudzingira kumukomana wacho here?" Bamnini ndokuti, " iwe nyarara uri muchengetewa pano. Mhosva iyi yaparwa nemwana waMupondiwa ."
"Ayewa mudhara hamundinyararidzeka nhai. Mukutaura nasisi vangu so neniwo nditori involved. Ndambonyarara ndichifunga kuti nyaya yenyu inemusoro. But ndirikutoona kuti munekakudheerera kamuri kuita sisi vangu. Hamuzviite ka izvozvo ndiripo." Mai Fungai vakabva vati, " its fine Enerst mira ndipedzerane navo."
Vakatarisa mwana wavo ndokuti," haunzwe Fungai! Haunzwe kanganiko ndichigara ndichikutsiurira musikana uyu?"
Bamnini vakabva vadhonza mama ruoko ndokuti, " Maiguru handei vazongoona neporisi. Nekuti vanenge vasiri kuda zvekutaurirana ava." Mai Fungai vakakasika kuti," ndizvo zvinoitwa here nhai veduwe? Handiti tichirikutaura here?"
"Ehe tati tirikuda mombe gumi dzinotsika kuti nyaya iyi isaende kuporisi." Ndakaona vapusa hanzvadzi yavo ndokuti, " kana muchimusiya ka pano Tendai wacho. Nekuti kutoroodza ka uku." Bamnini ndokuti, " uyu ndiye avakutokuomeserai zvinhu zvatanga takurerutsirai. Tosangana kuporisi taedza kutaudzana sevavakidzani asi zvaramba. " mai Fungai vakabva vakwidza izwi kuhanzvadzi yavo hanzi, " Ernest imbonyarara mhani! Ndirikuzvinzwa ndokusva ndadzitsvaka hangu mombe dzacho panekuti mwana wangu aende kujeri."
Bamnini ndokuti, " mwana wedu arikutadza chero kufamba ipo paye. Mombe tirikutoda kudzitinha izvezvi pasina mastories. " moyo wangu wakangobatikana nezvaiitika zvese. Farai mukoma waFungai kwavakuti, " amana mama mombe gumi ndedzekutamba here?"
"Farai nyarara wanzwa? Ndedzako here mombe dzacho?" Baba vaFarai vaive vakashaya 3 years ago.
Vakazoti," parizvino handina mombe dzacho but ndipei nguva ndidzitsvake." Taingotaura kuti mai Farai vaive hama yekwa mambo.
Bamnini kwavakuti, " Hatina nguva yekumirira izvozvo isu." Mama vakatsigirawo hanzi, " imi hamuna kutodzitinha ipapo mombe dzamaida? Saka isusu tisu tavakufanirwa kumira manje? Ndirikuda kukudzidzisa kurarama zvakanaka nevanhu Esther. Uzive kuti hazvisi zvrkuripisana nekuti unozotadza zvauchatadza kuripa." Mombe ten dzaidiwa ndakatongoona kuti kwaive kungoda kuva fixer chete. Vakabva vatondidhonza mama vachiti, " at least hatina kuita hutsinye hwekungonangq kuporisi. Tataurirana mukatadza mega muripo wedu."
Munzira ndakanzwa mama vavakuti ," bamnini ndinokutendai nekumira neni. Esther akandirwadzisa nehama dzake munongonzwa imi. Kuporisi hatisi kutorega kuenda. Ndirikuda kumunyudza h**e anemoyo wakaoma. Ndinoda adzidze kuti moyo wakaipa hauna kunaka. " muitiro wamama wainge vainge vafara kuti ndabatwa vawanewo pekubatira mai Farai. "Iwe Tendai tirikupfuurira kuenda kuporisi ,"Vakadaro mama.
Moyo wangu waisatenderana nezvavairongana against mukomana wangu nemhuri yekwavo but ndaive ndisina mapikisiro.

End of chapter

Vana Mhofukadzi loves you all🄰
[20/02, 07:33] null: Follow the B. M Mhofukadzi novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaY55XDJP20wYuuAml2z

https://chat.whatsapp.com/Bdkz0MhDWI5G3awBLp7Dx6?mode=gi_t

ENEMIES TO LOVERS

Collaboration by

Nita chihelele
263780368492
263710554015

And

B.M Mafukidze ( Mhofukadzi)
+ 263772999520
+ 260775957508

*FREE BOOK PLZ SHARE*

Ch 5

Fungai

"iri zibenzi iri, ndoita sendichamuponda mwana uyu. Rakatodza aniko hunhubu zimwana iri", vakadaro mama vachinditema nechikuni chaive pedyo navo asi nekuda kwerima ndakatadza kunzvenga chikandirova pabvi ndikangoshinyira nechemukati but kuti ndibuditse sound zvakaramba. Ko zvivindi zvacho ndaizozviwanepi ini ndaive ndakagara pamutariko kudai.
"usarambe wakangoti tumbi ipapo, saka ndiwo mututu wawanga uchireva here uyu?", vakabvunza vachifamba kuuya kwandaive ndikamboda kutiza asi ndaitiza kuendepi nesimba racho ndariwanepi?. "Ndikutaura newe mhani iwe usandiite sebenzi ndipindure. Ndati ndiwo mututu wawanga uchireva here uyu?", nzeve yangu yaive yatova mumaoko avo paakataura and again l couldn't alter any words. Not kuti ndaiita stubborn but kutopererwa nezvekutaura zvacho. And I could see and feel kuti kunyarara kwangu kwaitovawedera hasha but still handina zvandaikwanisa kutaura.

" haaaa muchembere mukadaro makutobhaiza nekuti zvamuri kuita izvozvo hazvitipise solution. You have to know kuti vanhu ava vane ruvengo and anytime soon anogona kuvharirwa uyu so kumurwadzisa kwamuri kuita uku hakuna zvakunobatsira yatodeuka kare iyi", vakadaro mukoma Farai to my rescue ndofunga vaive vatoona kuti nzeve yacho yaive ichadambuka. Vakandisiya muchembere kwakuti wurukutu muvhu voungudza. "asi munondioteiko imi vana vaMupondiwa. Imhosva here kuti baba venyu vakakusiyayi? Ko inga ndakazamawo wani kusumudzira paive pasiiwa nababa venyu nenzira yakanaka nhai vana vangu. Zvino pacho pandakaposha ndepapi zvamava kuenda kunokoromorana nemakava kundivigira pamba pangu. Kanganiko ndichikutsiurai pano nenhau yemhuri iyi nhai. Ndaitika ndakangwara hezvo nhasi mandiisa mukanwa mawo mapere", vakademba demba misodzi iri mumatama ndikanzwa moyo wangu kuenda kure. Hongu ndaipikisana navo pakunditsiura kwavaiita kuti ndisiyane naTendai asi kuona vachichema kudai nekuda kwangu ndizvo zvandaisada. Kutiyambira vaiyambira asi munongoziva chinonzi regera ndicho chinenge chiri muruoko not chiri mumoyo. Dai vakangokwanisawo kundinzwisisa kuti ndiye wandaida zvimwe pada ndingadai ndisina kupindwa nepfungwa yandipinda nhasi iyi. Tingadai takaita zvinhu negwara nemudiwa wangu asi zvaenda nepamwe.

" sisi mukatodaro makuresva. Kudembera kwamakuita vana venyu nekushuwa vakafa kudai munovasimudzira mhepo. Ehe hongu muzaya akanganisa asika ngatisakanganwei kuti misikanzwa muvana iriko. Takabva nako tese uku uye tinoiziva nyaya yacho. Changonetsa panyaya yeuyu inhau yekuti pamhuri mbiri idzi pagara paine daka uye ndezvekuda kupfidzisana zvinhu zvacho ", vakadaro kule vakadzikamira ndikatoshamisika kuti vaitombokwanisawo kuita serious kudai uye kutaura zvine musoro nekuti nguva yavo zhinji ndeyekuita mafaniz.

" Enerst nyaya yose unoiziva iwe, hongu pane daka asi ndaisagara ndichikutsiurai here pano. Ehe pane daka asi kuwedzerwa kwaroka uku. Aziva kuti vachaitei ipapa or vakurongei ndiyani. Nekuda kwemunhu asingateereri chete anoti ndava munhu mukuru tiri pano nhasi. Kubva zvaava murume mukuru ngaazvionere regai ndiende kunovata ini", vakadaro vachipukuta misodzi yaive pamatama avo kwakusimuka vachizvizunza zunza vonanga kubhedhuru kwavo kana nesadza ravaidya zvakabva zvangosiiwa zvakadaro. Takangosara takangoti tumbi paya mukoma Farai nakule ndivo vaingonzwika kutura mafemo ini ndaive ndakangoringa pasi kunge muroora arikuda kushonongorwa.
" Mfana zvimwe zvinhu zvaunongoitawo so. Ndogarokuudzai kuti kana uine chaukuda kuita huyai kwatiri isusu varidzi vezvinhu tikupei manotes asi hamuteereri. Iyezvino wangouna una kunge huku yanayiwa, chimbon'aka zvawanga uchiita mukati umo. Mune dzungu stereki vapfana", he said vachitofamba kuenda kugota kwedu mukoma Farai vakateverawo vachingodzungudza musoro. Hameno kuti ndoti musoro wangu waive wakatarisa pasi nekuda kwevanhu here but vakati vese vachisuduruka ndipo pandakanzwa kurwadza kwemutsipa kwakusimudza musoro ndichipukuta kumeso kwangu uko kwaisave nechinhu.

Ndaida chaicho kufunga zano but chekufunga chacho or chekufungisa ndopaive pasina. Its like pfungwa dzangu dzaive dzatoenda kusick leave zvadzo. Kamhepo kaifefetera kaifanirwa Kunge kakandibetsera asi Kaitowedzera kundipinza chando. Ndakatevera mugota maive maenda vamwe ndikapinda munhu wese ari ziii kule ndivo vaive busy kuvhundunyurana nezvinhu zvavo. Ndakangonozvikandira pamachira angu kwakuisa musoro pakati pemakumbo trying really hard to think of a way out of the mess nekuti jeri ndiro randaitya. Pakaita kanguva Paine runyararo kule vachibva vazoti, "right ndaiwana", zvakaita kuti tese namukoma Farai tivatarise kwakuona vakabata mari muruoko hameno yaive mariii. Vakataridza kuiverenga asi ini nekumvenge mvenge yaive mumusoro mamgu ndakatadza kuverenga kuti yaive mariii. Chandakangokwanisa kuona chete kuti aive matwenty dollars but kuti mangani handina kuziva.

"muzaya tisingade kurova imbwa takaviga mupini nyaya iripano haina kucheaper. Sekuziva kwandinoita vanhu vekumba kwemusikana wako uye ruvengo rwavainarwo towards this family rwakadzama and l don't blame them nekuda kwezvakaitika. Asika ziva hatisi tese tine miono nemifungo yakafanana. Neruvengo rwavo I'm sure they are going to do everything in their power kuti vaone kuti vatsiva zvavakaitwa and in the case ijeri iri mzaya. Hazvina basa kuti nemunhu wako maidanana or maive mawirirana asi the fact yekuti babe rako iro i under age haaa ndaona panetsa. So the best you can do kutombotsamaya munzvimbo ino tichiona kuti mhepo yacho inenge yakamira sei otherwise unovharirwa. Bata nepapa umbonotsvaga kwekurasikira", he said handing me over that same money he was counting.

"kule mukuti chiiko imi, mukuda kuti mupfana uyu atize mhosva dzake?", mukoma Farai vakabvunza vakaita kuvhura meso. "do you have another option?", kule vakabvunza. " haaa kule handitenderane nazvo hangu. What if kana varikufunga kudzora moyo then vonzwa mangwana kuti mukomana akarova pasi what do you think is going to happen. Plus even kunyangwe akatiza kana nyaya yaenda kumapurisa as long arimuno muZimbambwe anongobatwa unless kana muine mari yekudhiza kuti abude muno muZimbambwe but kana zvisirizvo haana kwaari kuenda. Let him face his trial nekuti kutotiza kunenge kuri kuwedzera imwe mhosva". In as l wanted to hate Farai nekuramba kuti nditize kwake he had a point. Kutiza wasn't going to do me any good plus kwekutizira kwacho zvakare ndopaive pasina.

" Fatso ukuti jeri nderekutamba naro here iwe. Anyway pachenyu ini ndanga ndangoti ndikubatsire nepandokwanisa mfana wangu asi kana zvisingaite its ok dzora hako mari yangu", vakadaro kule vachitaridza kubatikana. " kule its not like im not appreciating your efforts but ndikuzama kuti tionesana panapa kuti kutiza hakuna zvakunobatsira anenge achitowedzera mhosva and zvikatosvika munzeve dzemutemo kuti ndizvo zvaaita zivai kuti anenge asisatsvagwe nana ndini ndamubata veduwe ava but mapurisa mahombe eHarare saka hameno zviri kwamuri varume but zivai kuti ini handimo mazviri", vakadaro mukoma Fatso vachitopinda mumagudza kwakufunga musoro. I had no option kunze kwekudzorera kule mari yavo.

End of chapter

Vana Mhofukadzi loves you all🄰

Follow B. M Mhofukadzi novels's WhatsApp channel. Novels written by B.M Mafukidze (Mhofukadzi ). Join 2.7K followers for the latest updates.

Address

Tp
Harare
HQ

Telephone

+263772999520

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Misodzi Yenhereranovel posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share

Category