17/03/2026
https://chat.whatsapp.com/KLN7FBL0ElIBj3arzX9t4y?mode=gi_t
https://whatsapp.com/channel/0029VagFhhnBadmSjuzcJE1p
ZVEMUDUNDUNDU
By Clarence Mandisodza
0775874868
CHITSAUKO 34-35
Nyaya yekurova Peterson Ubert haana kumbobvira aiti bufu kunyangwe zvazvo vainge vatenderana kureurura nyaya dzavo kune mumwe nemumwe. Uyuwo Ross haana kubvira akataurawo nyaya yekutengerwa hembe dzekuendesa kumafuramhepo naPeterson pamwe nekuzorapiswa paya paairwara uye kufurirwa kuti arambe murume. Kunyangwe zvakadaro, kubva pasvondo mbiri dzavakange vari kuInyanga, vakave nenguva yakanaka kwazvo yekufara pamwe nekugoverana rudo. Kupera kwakaita mazuva avo, vakabva vadzoka Harare.
Vaviri ava vakadzokera parudo rwavo rwekare. Iko kuInyanga, Ubert akaita mhiko dzake kumudzimai wake. “Ndinoda kuti uchitanga kuenda kubasa Ross zvakare kuratidza kuti zvedi ndinokuda, kunyangwe zvazvo zvandinoda kuita zvisingakwani kududzira rudo rwangu. Vhara maziso.”
Ross akavhara maziso ndokubva azokumbirwa kuti amavh**e, pakarepo akatambidzwa kamwe kabhokisi kaduku ndokukavhura achinge anonokerwa nekuona zvaive mukati. Akaona muine makii, “A house for me Ubert?” Ipapo ainge atogadzirira kusvetuka mudenga.
Ubert akaseka zvake ndokuzoti, “Yes my love.”
Pakarepo Ross akabva asvetukira Ubert pamubhedhapo ndokutanga kumutsvoda. Achipedza akanopfugama pasi ndokutaga kutaura uku achirwisana nemisodzi. “Thank you Ubert, I really appreciate this. I promise to be a good wife and to…” Akazoguma akurirwa nemisodzi ndokutanga kuchema. Akanyaradzwa nemurume wake ndokuzoenderera mberi agara pamakumbo. “I promise to love you for the rest of my life.” Pakarepo vakabva vatsvodana.
Vachipedza Ubert akaenderera mberi, “Chimwe chinhu, ndinoda kuti utsvage maid.”
“Wekuitei naye babe?”
“Anokubatsira basa, unomutsvaga zvako kana wavekuenda kubasa.”
“Iiih shamwari, isu tichingova vaviri chete? Hauna kunzwa here zvakaitwa amai Devon vaya vekumanew stands.”
“Naani?”
“Nemurume wavo mupurisa uya, kudanana zvake nemusikana webasa kwakumunhumburisa.”
Ubert akaseka ndokuti, “Saka urikuti ndinozodanana nemusikana webasa here ini?”
“Handina zvangu kudaro asi kungogara ndachengetedza murume wangu kurinane. Basa ndinoita babe, usandityire zvako.”
“Kana wadaro pakanaka, asi kana zvazorema tinozoona zvekuita.”
“Can I ask you something babe but don’t feel offended, pamwe ndingatadza kubvunza zvakanaka.” Akadaro achibva atsvoda murume wake pamwe nekuenderera mberi mush**e mekupihwa mvumo. “Why another house honey isu tiine imwe hombe yatirikushaya kuti toiitisei nekukura zvakare irikupi iyi?”
“Wabvunza mubvunzo wakanaka kwazvo, unoziva ndakashaya kuti ndokutengera mota here kana kuti imba. Ndakazongosarudza imba, asi waida mota?”
“Hiiiii, saka dai wakandibvunza babe isina kuzoita surprise, mota ndiyo yainyatsoita.”
Vachisvika kuHarare Ross akange atononokerwa kare nekuda kuona kwaive nemba yake iyi nokudaro zviya zvekuchatanga vasvika kumba havana kuita saizvozvo. Vakabva vangorurama vakananga kuWestgate, munzvimbo inonzi Sandton. Ipapo nguva dzainge dzave half 6 dzemaheru. Ubert akaridza bhero kamwechete zvavainge vasvika pagedhi ndokubva paita chinguva chingangomedza munhu mate kamwechete risati razarurwa.
“Ko panotogara munhu?” Ross ainge abvunza nezwi rakaderera asi achiratidza kushamisika.
“Ndakafanokuisira maroja.” Akange apindura achidarikira Ubert.
“Imba yangu Ubert?” Vose vakabva vaseka zvavo. “Asi serious wakatoisa maroja?”
Ubert haana kuzokwanisa kupindura sezvo gedhi rakabva razarurwa nemumwe murume ainge akapfeka hovhorosi pamwe nemajombo. Vakapinda Ubert nemurume uyu airatidza kuve mushandi vachisimudzirana maoko. Mota yakanomiswa panzvimbo yayo ndokubva yangodzimwa. Vaviri ava vakaburuka ndokufamba zvishoma kubva pamotokari vachinosangana nemurume uya. Ipapo Ross meso aingunopeka-peka nzvimbo iyi achizvibaya nemibvunzo mizhinji kwazvo mumusoro make. Vakakwazisana Ubert ndokuzivisa mudzimai wake kumurume uyu uyo ainzi mukoma Rori. Akaitawo zvimwechete kuna mukoma Rori achivazivisa kuna Ross.
“Rori zvochirevei manje?” Ross akabvunza zvake mukufara.
“Ndinonzi Lawrence.” Vose vakaseka iye ndokuzoenderera mberi achiti, “Ambuya vangu vakandirera kubva ndichiri muduku ndivo vaiti Rori nekuti vaiti rangu iri havarikwanisi rose. Pavaitomboedzesera vaiti Rorenzi.” Vose vakaseka zvakare.
“Zvanga zvandinetsa kuti izita rudzii iroro?” NdiRoss uyu.
“Inga urikushanda mukomana, maruva atonaka kudai?” Ubert akataura achipeka-peka chivanze, “Ngatibva tatenderera uchiona musha wako Ross.”
Chiri chokwadiwo, vakatenderera vachiona musha, yadhi yacho yainge yakakura kwazvo iine imba imwechete yainge yakavakwa kunge hositeri. Kugedhi, vachangopinda, kwainge kuine kamba kemuchengeti sekaye kanowanikwa pamakambani panonyoreswa vanopinda nevanobuda. Kufamba mamita angangoita gumi nemaviri kubva ipapo, paive nekamba kadiki kainge kasina chinhu. Aka kainge kakabatana nezimba zihombe rairatidza kuti rine makamuri akawanda kwazvo. Kuenda mudenga raienda nemafloors matatu tisingaverengeri yepasi.
Ross ndiye akatanga kubvunza mubvunzo wainge watenderera mumusoro make kwenguva refu. “Wait Ubert, are you telling me that this is a house?”
Ubert akabva amira mberi kwemudzimai wake akamutarisa ndokuti, “Asi hausi kuifarira kani?”
“No babe, just that set-up yacho haisi yeimba yekungogara. It seems like a business premise.”
Pakarepo Ubert akaraira mukoma Rori kuti vavh**e gonhi rekaimba kaya ndokubva vangoita sekudaro. “Nyaya iripano ndeyekudai Ross, this is not actually a house but a business premise like you have said. I want you to think of a business that you will run here, these are your premises babe.”
Zviya zvekuti mukoma Rori vaive pedyo haana kana kumbozvifunga, Ross akasvetukira murume wake ndokumutsvoda pamuromo. Iyewo Ubert akatosimba kuti vasadonha. “Thank you my husband, thank you very much. I really appreciate this.” Ross akataura akamonera murume wake mutsipa nemaoko ose. “Let’s see kuti ndoitei pano Ubert, come…” Izvozvi ainge odhonza mumwe wake ruoko.
Vakafamba ndokukwira kudenga Ross akave wekungoshamisika pamwe nekutenda chete. Nekuda kwezvainge zvamboitika kuti vanotsvodana pasina kuzeza, Rori ainge opota achinzvenga-nzvenga ozouya kana achinge adaidzwa. Chakange chotemesa Ross musoro kwaive kufunga kuti nzvimbo iyi oishandisa kuita bhizimusi ripi chaizvo.
“Rega ndikutengesere pfungwa Ross, ungatondifira nekufunga. Make it a lodge.”
“Iiih babe no. I have my principles shamwari, vanhu vanouya kuzoitira chipfambi chavo pano? Handingadi kubatsira kuparadza dzimba dzevanhu. Maybe a wedding venue, conference place for corporates etc, what do you think.”
“You are a star babe, with that swimming pool outside it will come out nice. Wazviona-ka kuti ndakupa a starting point yekufunga?” Vakabva vaseka zvavo.
Apa vakazobvapo nguva dzotovavarira kubata 9 dzehusiku sezvo vainge vasisina chekumhanyira. Vainge voti vakapinda mupanda uyu, voita nguva varimo vachigoverana zvavo rudo. Mukoma Rori ndivo vainge vasunungurwa zvavo vachinzi vaizongouya vachikiya kana vaviri ava vavekuenda.
Vakasvika kumba nenguva dzahalf 9 ndokuvhurirwa gedhi nababamunini Obert avo vaingunoona zvavo bhora panguva dzakasvika mukoma naamaiguru. Motokari yakapinzwa mugaraji ndokubva vapinda mumba vose munova mavakakwazisana zvizere. Ubert naRoss ndivo vakazonogeza ndokudzoka zvavo kuzotandara. Pakarepo serefoni yaRoss yakatanga kurira, aive Peterson aichaira Ross.
Sezvo serefoni yaive pedyo naUbert, haana kuzengurira kuidavira. Akangoibaya ndokuiisa panzeve asina chaakataura. “Rosslyn, you think you can run away from me, right? I am going to find you and you will suffer for all those whom you sent to beat me…” Pakarepo Ubert akadimbura runhare urwo rwainge rwakaiswa pokuti munhu wese anonzwa.
Ross ainge ongobvunda agere padivi pemurume wake avawo babamunini Obert vainge vasina zvizhinji zvavainge vanzwa nekuda kwekunakidzwa nebhora. Ubert akaita chinguva akanyarara achiratidza kuti ainge odzamisa pfungwa dzake zvinova zvakaonekwa kuburikidza nekukwenya-kwenya musoro wake pamwe nekutura mafemo. Ross akazoguma avharawo chiso chake nechanza chake asisazivi chekuita.
Ubert ndiye akazogura runyararo rwevanhu vaive mumba umu achiti, “Munun’una ndine hurombo kukuvhiringidza kuona bhora. Pane nyaya yandirikuda kubatsirwa pano.” Ubert akatanga nekudaro zvikapa kuti hana yaRoss irove zvakanyanya achiti ainge oda kugadzwa dare.
“Haiwa, taurai zvenyu mukoma,” akadaro Obert.
Ubert asati akanda nyaya yake iyi mudariro, akakumbira Ross kuti amboenda zvake kubhedhuru zvikabva zvawedzera kushushikana kwake. Akaenda achiita sekunge achawa pasi sezvo kadzungu kainge komushanyira zvishoma nezvishoma. Akangosvikozvikanda pamubhedha ndokutanga kutaura oga uku achichema.
“But why Peterson? Chandakakutadzira chii chaizvo chekuti ungabva wada kundiparadzira imba yangu kudai? Vanhu vaurikuti ndakatuma kuti vakurove ndevapi vandisingazivi? Inga paya ndiwe waida kutondiuraya ukasvika pakundiridzira pfuti…”
CHITSAUKO 35
Yeukai haana kuda kupukuta misodzi, chaaikwanisa kuita nguva dzaaitaura idzi kwaive kukwidzira twudzihwa utwo twakange twoperekedzawo misodzi. Akaenderera mberi nekutaura nezwi raive pedyo nezevezeve, “Mubedhuru medu here Chandi? Yes I understand that wanga usingachandide asi you should have respected our matrimonial home, we are not yet divorced Chandi. Zvisinei, I wish you a speedy recovery, you will be fine. You won’t die Chandi because we have a lot to talk about, haungambofi.”
Pfungwa dzaakange abva nadzo kumba handidzo dzaakazosvika nadzo kuchipatara. Akange abva achida kusvikodzura tambo dzose dzaiita kuti murume wake awane kurarama kuti abva angomupfuudza zvake asi ndokuzochinja pfungwa zvaakapindamo.
Kutsveta meso pamurume wake kwaakaita achitanga kupindamo hana yake yakarova kamwechete zvinova zvaasina kunzwisisa. Akambofunga kuti zvimwe ainge afa asi ndokuzoona achifemera kure-kure. Mush**e mekunge apedza kutaura, akange angomira padivi achiyeredza misodzi.
Tete vainge varambidzwa kupinda zvichinzi mudzimai wacho ndiye anodiwa chete nokudaro vainge vagere pavainge vasiiwa nguva dzakadzokera Yeukai kumba. Yeukai akazobuda nguva dzakapinda chiremba achiona murwere, ipapo ainge akumbirwa kuti amire panze vagozoenda vose kuhofisi kuti anzwe zvainge zvabuda mukumuongorora kwavainge vaita.
Iyewo chiremba wacho haana kupedza nguva, akabva angobuda ndokudungamidzana naYeukai vakananga kuhofisi kwake. Kana natetewo vakange vabatana nevamwe, vakapinda ndokuwaniswa pekugara.
“Kutanga ndinoti ndine urombo ne…”
Tete havana kuzomirira kunzwa zvemberi, vakaibararadza mhere uku vakabata gotsi, “Amaiwe kani, Chandi waenda. Ndozvireva kunaaniko zvandaitirwa naYeukai? Amai kani, hwiiii…”
Yeukai akaita hasha dzisina mukare akamboona ndokubata tete vake pahuro uku achipopota. “Tete! Indava muchiita zvinhu zvinonyadza kudai mukadzi mukuru? Chamurikuchema chii ipapa iye munhu ari mupenyu? Mabvira kare muchindiitira mashura nhasi handizivi kuti chii?”
Ipapo tete vainge vanyarara uye vainge varegedzwa kubatwa kwavainge vakaitwa pahuro. Chiremba ndiye akabva achimbidza kutsinhirawo, “Ichokwadi tete, ndanga ndirikuti ndine hurombo nedambudziko rehurwere ramasangana naro. Tirikuedza napose patinokwanisa napo kuti tisarasikirwe nehupenyu…” Chiremba vakaenderera mberi nekutaura.
Tete vakazenge vongoti boi-boi tuziso semuroyi ayedzerwa. Zvakange zvotiwo chiremba ainge oitawo seanoda kuvaburitsa munyaya kuburikidza nekutaura nechirungu. Zvimwe akange otya kuibongomorerwa zvakare mhere. Mush**e mekutsanangurirwa zvizhinji pamwe nekubvunzisisawo twuzhinji, Yeukai natete vakabuda ndokuenda kumotokari.
Vave pamotokari Yeukai akanyebera tete achiti aida kudzokera kubasa kunokumbira mazuva nokudaro akavapa mari yekukwirisa kombi kuti vachienda zvavo. Vakada kumboti sika-sika nerekuti vanosiiwa kumba asi Yeukai akatsika madziro nokudaro vakanosiiwa pamugwagwa pavaizokwirira muchovha unopinda mutaundi.
Ibveipo, Yeukai akarova motokari akananga paMarimba ndokusvikopinda muchitoro cheOK. Imomo akatenga mabhotoro maviri ewaini pamwe nerimwe doro pamwe netuzvinwiwa twuya twekuwedzera simba twemhando yeSwitch neDragon. Rimwe redoro racho akatomborinwira mumotokari ndokuzosimukapo awisa mabhotoro matatu.
Akazoisimudza motokari akananga kumba kunova kwaakamboita nguva arimo mumotokari, panze pegedhi. Akatura mafemo atura-zve zvikaita sekunge mweya wacho uchapera kwawaibva. Ipapo ainge obata-bata wivhi yake achiita seanoibvanyangura. Zvose izvi kwaive kuzvidya moyo nepfungwa nekuda kwemurume wake uyo waaisaziva kuti achararama here kana kuti kwete.
Hongu, chiremba vainge vataura kuti mukana wekurarama wakakura kwazvo kupinda wekurasikirwa nehupenyu asi hupenyu hwemunhu hwaingove huri mumaoko aMwari. Mashoko atete ndiwo mamwe aiwedzera kumudya moyo. “Kureva here kuti Chandi akanzi afa ndini ndinenge ndauraya murume? Pose parikutaura tete varikundipa mhosva yekuda kumuuraya. Divi rangu havana kumbobvira varinzwa asi vakatoona ndirini ndine mhosva. Hongu mhosva ndinayo handirambi asi...” akabva atura mafemo zvakare. “It all comes back to me, hapana kumboti asi apa.
“Excessive intake of alcohol yataurwa iyi kwakange kwave kufunga kuparara kwemba yake nokudaro haisi mhosva yake. Dai ndakaramba kudzingwa paye ndingadai ndakagara pedyo naye ndichiona mafambiro ake. Ndakakanganisa, ndizvo-ka zvakaita kuti Eunice atore advantage...” Pfungwa dzake idzi akadzigurisira paakafunga kuti ainge asiya Eunice mumba make.
Akabuda mumotokari nedoro rake ndokukinura gedhi pamwe nekupinda. Akakinura zvakare gonhi rekupinda mumba ndokubva apinda pamwe nekutsveta doro rake raive mupepa bhegi guru rekwaOK. Eunice ainge akazvambarara nemusana uku misodzi iri pamatama. Yeukai akaramba akamuyeva kwechinguva ndokuzogara pasofa. Akaita nguva huru akamuyeva zvakare agere kudaro ombopota achitarisa pasi sekunge ane zvaaiverenga ipapo.
Akasimuka ndokunochonjomara mberi kwaEunice ndokumugadzirisa kuti agare zvakanaka. Achipedza, akamutsunhura muromo uku misodzi yainge yajenga mumaziso. Mashoko akatanga kutaurwa naEunice zvaakapedza kusungungurwa muromo aive ekuti, “I'm sorry Yeukai,” asi Yeukai wacho haana kudavira.
Pakarepo akamusungura maoko nemakumbo ndokubva anogara zvakare pasofa. Eunice ndiye akamhanyira kunopfugama munyasi maYeukai ndokutanga kuchema achikumbira ruregerero akabata makumbo aYeukai. Yeukai wacho akaita sepasina chaiitika nokudaro akaramba akanyarara zvake akatarisa mudenga achiita sekunge aiverenga tumapundu twesirin'i.
“Yeukai, ndiregererewo pazvose zvandakaita. Handizivi kuti ndainge ndapindwa nei kuti ndizosvika pakuita zvinonyadzisa kudai. Asi chandinoda kukuudza ndechekuti murume wako anokuda, kunge ndiri pano kudai inharo dzangu. Tanetsana kuseni achindidzinga pano ndokuguma abuda achiti ndinoda kudzoka usisipo...”
Apa ndipo pakazopindura Yeukai, “Saka uchirikudei pano?”
“Kutaura chokwadi sisi...”
“Handisi sisi vako, usade kundipa hasha Eunice.”
“Sorry Yeukai. Ndanga ndichingotiwo munhu ane stress yezvizhinji saka paanodzoka ndomboona kuti anenge ave sei.”
“Chibuda muno.”
“Ok.”
Eunice akasimuka achiratidza kuti kwaive kumanikidzira, rimwe gumbo rainge razvimba zvekuti kutsika kwaive kumanikidzira. Akatsvaga paainge akaisa makii emotokari yake ndokumawana, kunaka kwazvo ndekwekuti aive mudhanduru makare.
Haana kuda kuzotsvagana nezvakawanda, akazotaura mashoko ake ekuguma amira pamusuwo. “You were right Yeukai, I betrayed you, I betrayed our friendship and I betrayed our trust. I don't know if you will ever forgive me. Tinokwanisa kusazove shamwari zvakare nezvandakaita asi just find it in your heart to forgive me.” Akabva abuda achifamba zvishoma nezvishoma nekuda kwemarwadzo.
Sezvo Yeukai akange atora nhamba dzachiremba pamwe nedzamukoti wepo, haana kuzoenda manheru kunoona murume wake. Akangoita zvekufona ndokuudzwa kuti hapana chainge chanyanya kusanduka zvinova zvakaita kuti awedzere kunwa doro rake nekuda kwekufunganya. Akazoguma abatwa nehope ari pasofa raainge agere kubva zvaainge adzoka kubva kuchipatara. Chaipota chichimusimudza kwaive kunorasa mvura kuchimbuzi.
Mangwana acho akamukira kugeza ndokugadzirira kuenda kubasa asi achidarika nekuchipatara. Ari munzira kuenda kuchipatara, akachairwa naamai vake vachikumbira kuti asvike kumba nekuchimbidza pasina kukundikana. Tete havanawo kutora nguva vasati vamuchaira, akambozengurira kuidavira asi ndokuzorovera moyo padombo.
Nyaya yavakataura ndiyo yakaita kuti aite sekunge achafa nekufunga. Hongu, yaive nyaya yakaoma kuzivisa hama dzemurume wake asi painge pasina zvekuita nekuti dzaifanira kutoziva. Akazosara osvika zvake pachipatara pfungwa dzadhanganyika.
Chinhu chainge chanyanya kushanduka pamurume wake kwaive kufemawo zvinonyatsooneka kusiyana nepaainge apinda pekuti waitonyatsomutarisisa ruviri kana rutatu kuti uone kuti mupenyu. Yeukai akasiya aisa munamato ndokubuda, akanogara mumotokari ndokumboita chinguva achifunga zvokuita. Akazobaya-baya serefoni yake ndokuiisa panzeve.
Mush**e mekukwazisana nemunhu waakachaira, akati, “Babamukuru kuno hakuna kumira zvakanaka. Chandi kutaura kuno ari muchipatara, akangodonha nezuro...”
“Hanzi zvadii zvakare nhai amainini? Zvakaitika nguvai?” Babamukuru vakabvunza.
“Doc vati kidney failure due to excessive intake of alcohol. Zvakaitika nezuro mangwanani ndiri kubasa, ndakabva ndaitawo munyama wekukanganwa foni kubasa nekuda kwekudhanganyika pfungwa.”
“Inga zvakaoma, saka ari kuchipatara chipi? Nhasi wacho mambomuona here? Arisei?”
“Ndakamumhanyisa paBelvedere Medical Clinic. Ari nane zvake pane zvanezuro, arikutomboonekwawo kufema. Nezuro ainge akangoti nho.”
“Pakanaka amainini, regai ndiise pafamily group tione kuti tozvifambisa sei?”
“Maita basa babamukuru, regai ndimbozama kubata vamwe.”
“Zvakanakai amainini, tinenge tichibatana, ari muwadhi chii?”
“Ari muICU.”
“I thought as much, maita basa amainini.”
Achipedza, akachaira hanzvadzi dzaChandi mbiri ndokudzizivisawo. Mumwe wacho muduku ndiye akange oda kubhabhauka achiti sei kuzoziviswa nhasi izvo zvakaitika nezuro? Mush**e mokuchaira vose vaaifunga kuti vakakosha, Yeukai akasimudza motokari akananga kuGlenview. Akange azvipira zvake kunonoka kubasa, akachitanga achaira mukuru wake achimuzivisa zvedamudziko rake ndokubva apihwa mazuva achinzi azodzoka kubasa kana dambudziko rake rapera.
Akasvika kuGlenview nguva dzovavarira kubata 8 dzemangwanani, baba vake vainge vatobuda kuenda kubasa sare amai vake avo vainge votanga kutsvaira mumba. Vakakwazisana ndokutora zvigaro muimba yokutandarira.
Amai vake havana kuda kuparadza nguva, “Yeukai uripamurume here mazuva ano?” Nyakubvunzwa akaramba akanyarara achifunga kuti pachirine chekuvanza here apa. “Haundinzwi here Yeukai, ndati uchiri pamurume here?” Vakange votoita hasha vachinge vakwidza izwi.
“Mhamha, naChandi takanetsana ndokubva andidzinga pamba. Ndakaita almost a week ndisipo pamba ndokuzochairwa nezuro neshamwari yangu zvaakamuona akadonha pabhawa repaPfukwa iro. Kutaura kuno ndakamumhanyisa kuchipatara.”
“Unoda kuuraisa murume here Yeukai? Hee! Une wavakaudza here vekwake kuti ndadzingwa pamba? Vanatete wakavaudza here kana isu kuno wakambotiudzawo here? Seiko uchiita zvinhu zvinonyadza kudai? Icho chamakanetsanirana chacho chii chingabva chadzingisa munhu pamba? Urikuita chipfambi-ka?”
“Mhamha kani, handina chipfambi chandakamboita apa, we just had a small misunderstanding chete.”
“Urikuziva here kuti tete vako vakauya pano svondo radarika iro vachitaura zvose zvavakaudzwa nemukuwasha wangu? Ini ndini ndochifa nekutukwa nababa vako ndichinzi ndirikuziva kwauri, usafunge kuti hama dzaChandi hadzisi kuzviziva Yeukai. Hauna kumbongwara zvako, vanatete nemukoma vake varikuzviziva zvose. Vanga vakangomirira bedzi kuti uvazivise nyaya iyi asi hauna kuita sekudaro, kuti ndizive kuti wanga uripi nguva yese iyi handizivi. Dai ndisina kukudaidza kuno wanga uchida kuti zvizodii? Ukati vabereki havana basa…”
WhatsApp Group Invite